A-LEVEL ― UGO HWAMADZINZA AVASHONA

Mashoko orudo

Munyaradzi Gunduza

  1. TSANANGURA zvinobuda mumadetembedzo okupfimbana kubva mubhuku iri. [25]

Nhetembo dzokupfimbana yaiva nzira yokuradanura nayo mazwi orudo yaiitwa nevakomana vachinyenga vasikana, votodanana kana kuti vatoroorana. Vasikanawo vanodetembera vakomana vavo sokuvafunga kwavanoita kana chimiro chavo.

Munobuda tsananguro yechimiro neunhu hwemusikana ari kudetembwa nezvake, semudetembo rinonzi Tsvarakadenga apo nyanduri anoyemura runako rwemusikana nekushandisa mazitaumbiridzwa sepanonzi, “Mwana aiva ari shongarunako ruva rebani, Riri dzveteramatadza nzungu dzechinanzvirwa” kureva runako rwemusikana uyu waakapfimba nokugona kumurovera nyn’ambo netsome, matandi nenhorimbo kuti adiwe.

Munoshandiswa zvirungamutauro senzira yokujekesa runako nechimiro chemusikana ari kudetembwa nanyanduri sepaanoti, “Uso hwake riri guvi rakarimwe mupunga” enzaniso iyi inoburitsa kuenzanirana kwekumeso kwemusikana akanaka.

Nyanduri anoshandisawo fananidzo sepaanoti, “Chiuno chake chaitinginika somukonikoni” kureva kutetepa kwechiuno chemusikana ari kudetemberwa.

Munobudawo pfungwa yokuzvikuza semudetembo rinonzi Mhezi yomumwe wangu, apo nyanduri anodonongodza chimiro chomudiwa wake Mandireva achizvikuza sepaanoti, “Ini ndinonzi sakunaka — muuyauya asina kanango.”

Uku kuzvirumbidza kuti vanhu vagoti anokodzerana nerunako rwaMandireva.

Munoshandiswawo gudziramukanwa/wedzeredzo semudetembo rinonzi, Mhezi yomumwe wangu sepanonzi, “Musoro uchinge nhanga rokumambure” zvichireva kuti musoro wake wakakurisa. Uku kushonongora kunoratidza kudemwezeka kwanyanduri achitsanangura chimiro chomusikana wake chinomufadza zvokuti anozviita achiwedzeredza.

 

. Tinopedzisa mhinduro yemubvunzo uyu svondo rinotevera.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×