Haatendere mukadzi foni

Tafadzwa Mutsotso
VANHU vaive mudare vakasara vasina neremuromo zvichitevera nyaya yemumwe mukadzi anoti murume wake haamubvumidze kugara nenharembozha sezvo achimuti anozoita chipfambi.

Fellistas Ngoshi akamhan’arira Tonderai Chikoko kuHarare Civil Court achiti anomushungurudza uye haamutendere kushanyira hama dzake.

“Murume wangu anondinetsa zvekuti handina kana mufaro mumba. Anogara achitora nhare yangu. Kutaura kuno handina nhare achinditorera vachiti handifaniri kugara nenhare kuti ndisaite chipfambi. Ndinotoshaya kuti chipfambi chacho ndinochiitira kupi?,” anodaro.

Achipawo divi rake, Chikoko anoti mudzimai wake haamukudze sababa vemba.

“Handina dambudziko nezviri kutaurwa nemudzimai wangu, asi chandinongoda chete ndechekuti anditerere. Haatereri mukadzi uyu, anongobva pamba asina kutaura kuti ari kuendepi kana kuti ari kudzoka rinhi,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Anongobuda oenda kumba kwehama dzake. Chero akaenda kunhamo mataurirana mazuva ekudzoka, iye anosvika achinowedzeredza mazuva.

‘‘Anopedza mavhiki akawanda ari kunhamo chaiko kunongoda kuti kana vanhu vachengeta mufi voparara. Asi iye anotobvapo oda zvake,” anodaro Chikoko.

Mutongi Sharon Chipanga akapa Ngoshi gwaro redziviriro.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×