NYANZVI munyaya dzechivanhu, Sekuru Elisha Mutanga, vanoti nyaya yenyoka dzinonzi dzakaonekwa dzichirwa parimwe sowe kwaSeke ine zvainoreva.
“Huroyi nekuti pamasowe inzvimbo yatinoziva ichinzi inoyera. Nyaya iyi ine kuyedzana masimba zvakare pamwe iye muridzi wesowe anobata-batawo,” vanodaro Sekuru Mutanga (60) avo vanogara kuUshewekunze, muHarare.
Vanoti vanamati ava vakaona senyoka asi iri mishonga nezvikwambo.
Sekuru Mutanga vanotiwo panogona kunge paine kurwisana nekuda hukuru pamasowe apa izvo zvinoita kuti pashandisiranwe miti yakaipa.
“Muridzi wesowe kana aine kwaakambobva uko aishandisirwa mishonga achiuya pasowe idzva iri, kureva kuti vanhu vamwe chete ivavo havasati vapedza naye, vanoda kumupedzisa. Saka anofanirwa kusimba, kana zvakaoma ngaaende kumadzimambo emudunhu raanogara obatsirwa.” Vanoti zvakare zvichida muridzi wesowe iri pane mhiko dzaasina kutevedza.
“Hakuna chinhu chisingapirwe mukurarama, shavi chairo rekuvhima rinosumwa kuti rishande zvakanaka. Zvichida muporofita uyu paakatanga kuita basa haana kurisuma kudzinza rake nekuti ngirozi inoshanda pamwe chete nevedzinza,” vanodaro.
“Nyoka kurwa dzinorwa kwete pamusha pemunhu kana pagungano sezvakaitika izvi. Ukaona nyoka dzichirwa imwe ikafa inoenda kunochera mushonga yorapa imwe yacho kuti imuke zvinoreva kuti iwe waona unenge wave kutorapawo nemushonga mumwe chete wawaona uchicherwa nenyoka.”
Vanotizve nyoka inogona kurwisana nemupurwa kana rwaivhi uye inozochera mushonga wekurapa chainenge yakuvadza.
“Ukasvika nyoka yauraya imwe kana kuti yauraya mupurwa kana rwaivhi, ukada kuenda pedyo nechafa ichi unodzingirirwa sezvo inenge ichida kumutsa chayauraya,” vanodaro.
VaGeorge Kandiyero, mukuru weZinatha, vanotsinhira vachiti nyoka dzakarwira pamasowe dzine chekuita nemabasa ehuroyi.
“Mishonga yekuroya iyo yakanga yatumirwa nekuti zvakadaro hazviitike. Muridzi wesowe iri ngaasimbe nekuti pane chiratidzo chemakuva nerufu mukati mesangano rake,” vanodaro.




