‘Chivi mukadzi kupfeka tarauzi’
Vanhurume havarukwe misoro
Kingstone Mapupu
ISHE Negomo vekuChiweshe, VaLucious Chitsinde (45), vanoti zvakakosha kuti vanhu vatema varambe vachichengetedza tsika nemagariro avo sezvo zviri izvo zvinoumba hunhu hwakanaka.
Ishe ava, vemutupo weMoyo Nematombo Moyondizvo Bvumavaranda, vanoti vane zvakawanda izvo vanoyeresa mudunhu ravo.
Zvimwe zvinoyereswa zvinosanganisira kurambidza vanhukadzi kupfeka matarauzi kana kuti midhebhe, kusapfeka zvitsvuku munhuva yeZhizha, varume havatenderwe kuruka vhudzi kana kupfeka mhete uye hakushandwe zuva rechisi.
“Hushe hwedu hwekwaNegomo hwava nemakore anodarika 600 hwavambwa. Kubva ipapo tine masvikiro anotitungamirira pane zvose zvatinoita. Izvozvi mweya watateguru wedu, Mugumu kana kuti Kanogumura, uri kusvika, hatina chinouya muno maShe Negomo chatisingazive,” vakadaro.
Vanoti itsika yekwavo kuti mambo kana homwe yesvikiro afa anovigwa mubako mushure mekunge mutumbi wake watanga vaomeswa.
“Madzishe edu akafa kana kuti homwe dzemasvikiro, mitumbi yavo inoomeswa yovigwa mumapako umo inenge yakazendamiswa nemadziro. Mitumbi iyi inoiswa mubako regomo redu rinoyera rinonzi Nyota,” vakadaro. Vanoti pagomo iri ndipo pakasvikogarwa nemadzitateguru ekwaNegomo apo vakavaka misososo pavakabva kuGuruuswa mushure mekunge vambogara kuGreat Zimbabwe, kuMasvingo.
“Tateguru wedu ndipo pagomo paakasvikovaka dumba apo airwisana nemadzviti. Gomo iri rakareba zvikuru iro ravaikwira pamusoro paro vachiona muvengi ari kure,” vanodaro.
Vanoti madzishe avo kana masvikiro akafa vanopedza mwedzi mumwe kana miviri vasina kutaura kune veruzhinji kozoridzwa mhere pava pashure.
“Zvimwe zvatinoyeresa muno ndezvekuti hatibvumire kupfekwa kwezvitsvuku nevanhu vose munguva yeZhizha. Chisi chedu chinoitwa musi weChishanu, uye vanhu vanotyora mitemo iyi tinovashevedza kudare redu tovatonga voripiswa mbudzi kana zvimwe.”
Panyaya yechisi, vanoti kunyange vemakambani anochera zvicherwa mudunhu ravo havabvumidzwe kushanda nekuti vanenge vachichera pasi mumasango eko izvo zvakangofanana nekurima muminda.
“Zvimwe zvinoyereswa mudunhu raShe Negomo kupfekwa kwematarauzi nevanhukadzi izvo zvisingabvumidzwe zvachose. Muno hamuitwe izvozvo, ukaonekwa chete unoripa mbudzi mbiri kana nhatu. Tinoziva kuti madzimai emuno vamwe vanopfeka zvechitsotsi vachinzvenga-nzvenga asi anenge angoonekwa chete nemapurisa angu hamheno zvake,” vanodaro.
Zvakadai, vanhukadzi vazhinji veko vanonzi vari kupokana netsika iyi vachiti vari kudzvanyirirwa.
Ishe Negomo vanotiwo vanhurume havabvumidzwe kupfeka mbatya dzechidzimai dzakaita semarokwe, kusunga madhuku mumusoro, kurukwa vhudzi kana kuisa mhete munzeve.
Mudunhu ravo, vanodaro, mune zvakare nzizi dzinoyera.
“Tine nzizi nezvisipiti zvinoyera uyewo tine makomo asingabvumidzwe kunamatirwa nemapositori ayo anoyera. Vanokwiramo nechisimba vanogona kusangana nenyoka kana mhuka dzakaita seshumba. Kune vamwe vaye vanokwira mumakomo aya vachiita zvechipfambi vanogona kutetereka,” vakadaro Ishe Negomo.
Panyaya yedoro rinobikirwa masvikiro uyewo nerimwe rechivanhu, vanoti haribikwe nevana vadiki asi kuti nechembere dzisisazive varume kana kutevera.
Vanoti basa rose rine chekuita nechivanhu rinotungamirirwa nematunzvi kana kuti vazukuru.
Kune avo vanobatwa nemhosva dzakaita semakunakuna vanoti vanoripisa mombe nembudzi izvo zvinoendeswa kumadzitateguru avo kumasvikiro zvimwe zvichipiswa nekuitiswa zvibairo zvekuchenura dunhu.
“Zvimwe zvipfuyo izvi zvinouraiwa nyama yacho yodyiwa neveruzhinji asi verudzi rwekwaNegomo vaera Moyo havadye,” vakadaro.



