Gwirikwiti: Zviratidzo, dziviriro nemarapirwo

Muchaneta Chimuka
GWIRIKWITI chirwere chinoonekwa nezviratidzo zvinosanganisira kupisa kwemuviri kwakanyanya, kukosora pamwe nekuita madzvanga paganda ayo anodaidzwa muchiRungu kuti koplik spots uye mamwe acho anogona kuita mukanwa.

Murwere anogona kuita mapundu matsvuku kumeso kana muviri wose mushure memazuva matatu kana mashanu ekubatira chirwere ichi.

Gwirikwiti rinopararira sei?

Gwirikwiti chirwere chinotapuriranwa zviri nyore apo munhu anacho anokosora kana kuhetsura.

Kana munhu akabata mate kana mvura dzinobuda mumuviri wemunhu ane chirwere ichi ane mukana mukuru wekutapurirwa hosha nechikamu che90 percent.

Asi vanhu vanenge vakadzivirirwa kubva kuchirwere ichi vane mikana mishoma yekutapurirwa.

Vasingabatire gwirikwiti vakaita sei?

Kazhinji vanhu vanenge vakambobatwa nechirwere ichi havazochibatiri zvekare uye vanenge vakadzivirirwa havachibatire. Gwirikwiti rinodzivirirwa kuburikidza nekubaiwa majekiseni anodaidzwa kuti Measles, Mumps and Rubella (MMR).

Kunyika dzakasimukira seUnited States, chirwere ichi chakaderera nechikamu che99 percebt nekuda kwekushandiswa kwemishonga iyi sedziviriro.

Kureva kuti mikana yave mishoma zvekusvika pa1 percent kuti munhu abatwe negwirikwiti.

Vana vane mwedzi inobvira pa12 kusvika 15 yekuberekwa vanokurudzirwa kubaiwa majekiseni ekudzivirira gwirikwiti.

Kune vamwe vana kana vanhu vakuru vakakundikana kubaiwa majikiseni aya vanokwanisa kubaiwawo sedziviriro.

Sei vamwe vachikundikana kudzivirirwa gwirikwiti?

Dzimwe tsika nezvitendero zvinoita kuti vanhu vakundikane kubaisa vana vavo majekiseni ekudzivirira zvirwere zvakadai.

Kushaya ruzivo pamusoro pechirwere ichi kunoita zvekare kuti vamwe vafunge kuti havabatwe nacho zvachose asi richizova dambudziko mune remangwana.

Gwirikwiti rinorapika here?

Hongu, kana munhu achinge abatwa negwirikwiti anokwanisa kurapwa.

Murwere anokurudzirwa kuenda kuchipatara kunobatsirwa uye kuti asasangane nevamwe vasina senzira yekuderedza kutapurirana.

Vana vane makore ari pasi pemashanu okuberekwa vari panyatwa yekubatira chirwere ichi uye chinogona kuuraya kana chikanonokerwa kurapwa.

Madzimai akazvitakura anotogona kuparadzika pamuviri nekuda kwegwirikwiti, kusununguka mwana anenge asina kusvika kana kuti ane huremu huri pasi.

Mashoko kubva kusangano reCenters for Disease Control and Prevention anoti munguva pfupi yadarika chirwere chegwirikwiti chakabata vanhu vanodarika 70 kunyika yeCalifornia.

Related Posts

Murume wekurwiswa negarwe owora maoko ose

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 31 okuberekwa wekwaSabhuku Muchinjiko kwaChiendambuya, kwaRusape — uyo akarwisana negarwe rikamutyora maoko ose — anoti maoko aya ave kuwora nekuda kwemaronda akakuvarira mukati. Garikayi Chiweshe…

‘Ngwarirai maguruvhani anoshandisa dandemudande‘

Kingstone Mapupu VERUZHINJI vokurudzirwa kuti vangwarire nhubu kana kuti maguruvhani ari kushambadza midziyo yakadai semotokari pamadandemutande akasiyana-siyana uye vachizopedzisira vabira vanhu mari yavo. Yambiro iyi inotevera kusungwa uye kumiswa mudare…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×