Kingstone Mapupu —
NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti tsvina yemunhu inoshandiswa zvine chekuita nehuroyi. Izvi zvinotevera nyaya yemurume wekwaSeke uyo anoti akadya tsvina yemudzimai wake neyemumwewo munhu semhiko yaakaudzwa nen’anga nemuporofita kuti mukadzi wake asazoita zvikomba.
Mukuru wesangano rinomirira varapi vechivanhu reZimbabwe National Practitioners Association (ZNPA), Sekuru Friday Chisanyu vanoshora n’anga nemuporofita vakanyengera murume uyu kukambura tsvina yevanhu vachiti vanofanirwa kurambidzwa kushandira veruzhinji.
Vanoti zvakaitwa kumurume uyu hazvina kumbosiyana nekuroya.
Mbuya Callista Magorimbo (54) vekuDzivaresekwa Extension vanoti hakuna huroyi hunodarika kudya tsvina yemunhu.
“Tsvina yemunhu inoshandiswa zvinhu zvakawanda zvinofambirana nehuroyi. Iye murume akadya uyu muroyi, vanodyisa vamwe varoyi uye zvinonyanya kuitwa pakupanana mipfuhwira. Tsvina yemunhu inoshandiswawo pakutandira mweya yakaipa kuti isarambe ichidzoka mumusha,” vanodaro.
Vanoti kana ngozi chaiyo inotsipikwa netsvina zvisinei kuti inozodzoka pava paye.
“Tsvina iyi inoshandiswa pakuisa madzimai rukawo kana pakupfuhwira varume,” vanodaro.
VaMathius Mudzingwa (58) vekuUnit F kuChitungwiza vanoti tsvina yemunhu inogona kusanganiswa nemishonga inonzi munyadza nemuswe werwaivhi zvobikirwa varume kana mukadzi, zvopiswa pamwe chete nejira remubhedhuru kuti murume aite simba kumukadzi wake chete.
“Ukanzarwo, haumbofa wakaita simba kunze,” vanodaro.
Sekuru Musa Juma Gonamuroyi Garwe (36) vekuBinga vanotiwo tsvina inoshandiswa zvehuroyi. “Kana munhu achimuka chipoko pamusha kana goritoto kunoshandiswa tsvina yemunhu kudzikamisa mweya wemufi. Kupa munhu munyama nezvimwe, zvinoitwa pachishandiswa tsvina yemunhu.”
VaThomas Yakiti Mukunguta (48) vekuUnit M, kuChitungwiza vanoti: “Ukaona pave kushandiswa tsvina yemunhu, patoita huroyi. Tsvina inobvisa mweya wemunhu mumusha kuudzosera kumakuva kana kumusha kwemufi, inogona kushandiswa kuti vanhu varambane kana kuti vavengane, kana kuti munhu aburitsiswe basa pasina chikonzero. Zvakawanda zvinoitwa netsvina yemunhu.”
Mashoko akawanikwa neKwayedza padandemutande anoti kudya tsvina yemunhu kunogona kurapa zvimwe zvirwere kuvanhu, asi mamwewo achiti zvinokonzera hurwere.




