‘Hakuna spiritual father’‘. . . maporofita ari kunoromba’

Abel Ndooka
MUTUNGAMIRI wechechi yeGrace of God Ministries, Apostle Tenson Sinaiti Mukanya — uyo anozivikanwa saTS Mukanya — anoti maprophet nemaporofita mazhinji vanozviti vane vana baba vezvemweya (spiritual fathers) vari kunoromba kun’anga dzekunze uko vanonopihwa mishonga yekuti vaite mashura neminana.

“Hakuna chinhu chinonzi ‘spiritual father’, uku kurombeswa kunoitwa maporofita nemaprophets. Simba rekurapa nekuporesa rinobva kuna Mwari, iye mbune kwete zvatiri kuona vamwe vachienda kunorombeswa kuNigeria kana kuGhana.

“Kana simba rapera, avo hutu kunze kwenyika kunopihwa rimwe simba rekuita mabiri-bobi avo. Imi vanhu imi ngwarirai, musanyeperwe nevanhu ava,” vanodaro Apostle TS Mukanya. Apostle TS Mukanya, avo vanove muimbi zvakare, vanonamatira kuSnake Park, muHarare.

Nana Kwaku Bonsam

Pane mamwe maporofita nemaprophet vane mukurumbira munyika muno vanogara vachibuda pachena kuti vane ma’spiritual Father’ avo — vamwe vacho vari kunze kwenyika — vavanoti vanovabatsira munyaya dzezvemweya.

Nerimwewo divi, n’anga dzinoti kune maporofita nemaprophet vane mbiri avo vanoenda kwavari muchivande vachitsvaga masimba ekuti vaite mashura nekukwezva vanhu kumachechi avo.

Makore adarika, pane n’anga yekuGhana ine mukurumbira yakabuda pachena kuti yakapa mafundisi nemaprophet vanodarika 1 700 vemunyika dzakasiyana dzemuAfrica mishonga yekuti vaite minana kumachechi avo.

N’anga iyi — iyo inozivikanwa nezita rekuti Nana Kwaku Bonsam — panguva iyi yakati kana pane ane nharo nemashandiro ayo, yakazvipira kuti vaedzane masimba.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×