Hakuna zvakadaro: Doctor

MUMWE chiremba anozivikanwa saDr Kavy wemuHarare, uyo anove “neurologist” pachiRungu, anoti kuzvarwa kana kufa kwevanhu hakuna basa nenguva nekuti zvinhu zvinongoitika nguva dzose-dzose.

“Nezuro chaiye (musi weChipiri svondo rino) mudzimai wangu akasununguka mwana masikati na12 chaidzo. Saka zvinhu zvinoitika pasina zvinoyera. “Ndakamboshanda paHarare Central Hospital apo vanhu vaingofa kana masikati chaiwo, saka rufu haruna nguva asi kuti zvinongoenderana nekurwara kunenge kwaita munhu,” anodaro chiremba uyu.

Anoti rufu nekuzvara hazvina nguva uye hazviite kuti machiremba vambozvimisa kuitira kuti nguva dzinonzi dzinoera dzidarike.

“Somuenzaniso, munhu anogona kunge arohwa nemotokari ounzwa kuchipatara ave kutandadza, isu sevarapi tinoedza nepose patinogona kumubatsira kuti ararame. Kana nguva yekufa yakwana, hatikwanisi kuimisa nekuti zvinoitwa naMwari vakatisika.

“Nhumbu kana ichinge yarwadza mwana anongobuda chero ipi zvayo nguva zvekuti hatikwanise kuti titi kuna amai vakazvitakura chimbomirai kugomera mwana nekuti achiri masikati, kwete. Nokuti mwana anofa kana kuitira tsvina mudumbu zvinove zvine njodzi,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×