Anoda kubaya murume nebanga

MUMWE murume anoti akanda mapfumo pasi nekuda kwekushungurudzwa kwaanoita neaimbove mudzimai wake uyo anogara achimuzvambaradza pamwe nekumuvimbisa kuti anoda kumubaya nebanga.

Tineyi Chipudhla akapotera kuHarare Civil Court achiti aoneswa chitsvuku naTalent Ganyani.

“Mukadzi uyu akati anoda kundibaya nebanga asi chikonzero haana kundiudza. Pari zvino hatichagara tose asi anoramba achiuya kumba kwangu kwandava kugara nemukadzi wangu mutsva achindituka nekundirova.

“Mashoko ake ekuti anoda kundibaya nebanga ndiwo akazondisimudza kuti ndiuye kudare,” akadaro Chipudhla.

Ganyani akaramba zvaitaurwa naChipudhla achiti:

“Zvose zvaari kutaura kubika nyaya uku, nyaya chaiyo iri pamwana wake wandinaye. Murume uyu akandipa pamuviri ndokuparamba achitora mumwe musikana waari kugara naye pari zvino.

“Haadi kuchengeta mwana wake waakaita neni. Ndakazosara kuita mwana uyu atondiramba kare achiti ane wake chaiye musikana waaida kuroora,” akadaro.

“Handina dambudziko nekuti dare ramupa gwaro iri, chishuwo changu ndechekuti dai akwanisa kutaurirana neni zvakanaka

kuti tione kuchengeta mwana

`tose.”

Mutongi Barbra Mateko akapa Chipudhla gwaro redziviriro akati vaviri ava vataurirane mune zvakanaka panyaya yekuchengeta mwana.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *