Hama dzemurume akatsikwa nemotokari dzotsvagwa

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo ari kutsvaga hama dzemurume, uyo asiri kuzivikanwa zita rake kana kwaanobva, akatsikwa nemotokari ichibva yatiza mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe che279 kilometre peg padyo neMayo Turn-Off nemusi wa15 Chivabvu gore rino.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti murume uyu ane muviri uri pakati nepakati, ari mushava uye angangodaro aine makore 40 ekuberekwa.

“Murume uyu aive akapfeka bhutsu dzematackies dzine ruvara rutema neruchena, T-shirt tsvuku ine maoko marefu netirauzi dema. Mutumbi uyu uri kumochari yechipatara cheMasvingo General Hospital. Mapurisa vari kukumbira kune ruzhinji vangangodaro vakashaya hama yavo yechirume kuti vauye kuzoongorora chitunha ichi,” vanodaro Insp Dhewa.

Vane ruzivo pamusoro pemurume uyu vanokwanisa kutaura naOfficer In-Charge ZRP Masvingo Traffic, Inspector Simari Melton, panhamba dzinoti 0773 050 575 kana naInvestigating Officer Constable Jumi Elizabeth pa0782 374 910.

Insp Dhewa vanokumbira zvekare vanhu vane ruzivo pamusoro pemotokari yakatsika murume uyu ndokuzotiza kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *