Zim yorongera Burkina Faso, Niger

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wechikwata chenyika chemaWarriors – Michael Nees – akadoma chikwata chake musi weChipiri chino icho chichasanagana neBurkina Faso neNiger mumitambo yehushamwari.

MaWarriors achasangana neBurkina Faso neNiger mwedzi unotevera uye mitambo yese ichatambirwa kunyika yeMorocco.

Mitambo iyi yakakosha zvikuru kunaNees sezvo ichamupa mukana wekuongorora vatambi apo maWarriors gore rino atakarisana nemitambo yakakosha inosanganisira kurwira kuenda kuWorld Cup 2026 uye Africa Cup of Nations (AFCON) uyo uchatambwa pakupera kwegore rino.

Muchikwata chakasarudzwa naNees, chakaona Bill Antonio achidzoka zvichitevera kumbopedza nguva refu asingashevedzwe sezvo akange akakuvara.

Mubati wepagedhi Elvis Chipezese, Tino Kadewere naJonah Fabisch vese vakadzoka zvekare muchikwata ichi.

Asi Nees akasiya vamwe vatambi vepamusoro vanosanganisira Marshall Munetsi, Knowledge Musona, Marvelous Nakamba Andy Rinomhota avo vaange achimboshevedza kuti vazotambira chikwata ichi mumitambo ichangodarika.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *