Murume apara mhosva 10 pamugwagwa zuva rimwe

Muchaneta Chimuka

MURUME ane makore 26 okuberekwa wekuChitungwiza anonzi akaba motokari yeshamwari yake ndokutyaira asina rezinesi zvemufirimu chaizvo izvo zvakaona achitarisana nemhosva 10 mudare mushure mekutsika vanhu vaifamba netsoka pamwe nekudhuma dzimwe motokari.

Tinotenda Basket Manase (26) wepanhamba 7175/4 Chando Way, Zengeza 3 akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates Court achitarisana 10 dzekutyora mitemo yemumugwagwa.

Mutongi wedare iri, VaMadzingira, vakati Manase adzoke kudare munguva pfupi iri kutevera kuti azopihwa mutongo wake.

Ari kutongwa nezvikamu zvemutemo zvina zviri maringe nenyaya dzekutyaira nenzira isina kunaka  mumugwagwa izvo zvinosanganisira kutyaira asina rezinesi uye asina hanya, kukundikana kumira mushure metsaona uye kutyaira motokari pasina mvumo yemuridzi.

Muchuchisi Malven Mwendera vakaudza dare kuti nomusi wa9 Chivabvu gore rino nenguva dza5pm,   Manase anonzi ainge akagara mumotokari yaIan Mucheche yemhando yeMark X ine nhamba dzinoti AFM 0982 vari kuZengeza 3, kuChitungwiza.

Mucheche anonzi akabuda mumotokari make achibva apinda mubhawa rinonzi Chief Sports Bar achisiya makiyi ari mumotokari sezvo akanga ari kuchaja nharembozha yake mumotokari imomo.

Paakadzoka, anonzi akazvikowana motokari yake isisipo uye akaedza kufonera Manase asi aisadaira nharembozha yake.

Mucheche anoti akazoshamisika ava kufonerwa naManase mushure meawa achimutaurira kuti ainge apinda mutsaona nemotokari yake mumugwagwa weNew Chitungwiza Road.

Pamhosva yekutanga, Manase anonzi akasvikotuta motokari yaKnowledge Ncube (36) yerudzi rweToyota Ipsum ine nhamba dzinoti ADK 3553 yainge yakapakwa apo ainge akagara zvake mukati mayo paNyatsime Turn Off.

Mushure metsaona iyi, Manase haana kumira sezvo akaramba achiivhetemesa ndokutsika Mary Shumba (27) uyo ainge aine vana vake vaviri achifamba netsoka.

Shumba ainge akabata mwana wake – Keila – kuruoko rweruboshwe apo Keisha Chinya (3) akamubata neruoko rwerudyi –  anova akakuvara zvakanyanya mushure mekudhumwa nemotokari iyi nechekumusana.

Keisha anonzi akaita ronda rakadzika nechekumusana uye achiri muchipatara.

Mushure metsaona iyi, Manase haana kumira zvekare achibva anotuta motokari yaNgonidzashe Murape (40) yerudzi rweNissan X Trail ine nhamba dzinoti ADM 4379 wepanhamba 5 Chembere Close Zengeza 3 uyo ainge ari kutyaira padyo nekambani yeIrvines.

Murape haana kukuvara zvisinei nekuti motokari yake yakaparara zvikuru.

Sekuti izvi zvainge zvisina kukwana, Manase haana kumira apo akaenderera mberi ndokunotuta motokari yaNyasha Chikwava (26) yemhando yeMistibush L 200 ine nhamba dzinoti ADA 0452 apo akange ari kutyaira akatarisana nemotokari dzaibva nekune rimwe divi.

Nyasha akakuvara zvikuru gumbo rake rekurudyi uye motokari yake yakaparara.

Mushure metsaona iyi, Manasa haana kumira zvekare apo akaenderera mberi ndokunotsika Robson Ngoshi (63) uyo ainge ari kufamba kunze kwemugwagwa kudivi rekuruboshwe padyo neSt Marys Turn Off.

Mushure metsaona iyi haana kumira zvekare.

Magwaro ekwachiremba evanhu vakakuvara mutsaona idzi akabudiswa mudare seumbowo uye motokari dzakaparadzwa dzakatorwa nemapurisa kuti dzizomira sehuchapupu.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×