‘Handikupe mwana, uri chidhakwa chemakoko’

MURUME wekumhan’arirwa kudare neaimbove mukadzi wake achinzi ari kurambira nemwana akati mudzimai uyu chidhakwa chemakoko sezvo aine tsika yekusiya vana voga achienda kunosasana.
Juiet Malunga akaendesa Vengai Gombe kuHarare Civil Court achiti ari kurambira nemwanasikana wavo uyo ane makore mana okuberekwa.

“Ishe wangu, ndakapa baba ava vana ndichiti vavaone pazororo sezvataiita makore ese.
“Asi ivo pavakadzora vana ava havana kudzosa vese, vakadzosa mukomana chete ane makore mapfumbamwe, musikana vakasara naye.

“Ndikavati vandipe mwana vanobva vatanga kundituka vachindiudza zvechipfambi chandisingazive. Chinondishamisa ndechekuti vanoti handigone kuchengeta vana asi dai vasina kuvadzosa vese ndizvo zvairatidza kusagona kwangu kuvachengeta,” akadaro Malunga.

“Vanondiudza kuti vane mapurisa avo anondiongorora kuti ndinorarama sei saka vanoziva zvese zvezvikomba zvangu. Maonero andiri kuita havachada kubvisa mari yemendenenzi saka vakatora vana. Zvino ini handingachengeterwe mwana nemumwe mukadzi ini ndiri mupenyu,” akadaro Malunga.

Achipawo divi rake, Gombe akati Malunga haana rudo nevana sezvo aimbovasiya voga achienda kunosasana kuGokwe kana kuZhombe.

“Ishe wangu, vana vanogara vachisiiwa vari vega. Pandakatora vana akange ati ndiuye kuzovatora nekuti ainge awana zvimwe zvekuita zviri nani. Ndinoudzwa naambuya vake kuti mukadzi uyu anodzoka kubhawa pakati pehusiku, ipapo vana vanenge vari vega.

“Izvozvi mwana iyeye ndakamuendesa kuChinhoyi kune mukoma wangu kwaari kuchengetwa zvakanaka pane kugara namai vake vasingagone kumuchengeta. Ini handisati ndamubata hangu asi nyaya iripo ndiyoyo, ambuya vanomuona handingauye navo kudare nekuti mangwana havazondiudza dzimwe nyaya dzinenge dzichiitika,” akadaro Gombe.

Mutongi Barbra Masinire akati vaviri ava vadzoke kudare zvakare apo nyaya yavo yaizoenderera mberi.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×