Vanhukadzi vemuZim vakadadisa

ZIMBABWE yakaonekwa iri pamusoro munyaya dzekurwira kodzero dzevanhukadzi mumakwikwi enyika 15 eRegional Sadc Protocol, ayo akarongwa nesangano reGender Links and the Alliances nguva pfupi yadarika.
Chiitiko ichi, icho chakaitirwa kuSouth Africa, chakapindwa nevanhu vanodarika 400 kubva kumapoka akasiyana akaita sehurumende, masangano anorwira kodzero dzevanhukadzi pamwe nevemakereke.

Gurukota rezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana, Cde Oppah Muchinguri, vakati vanonzwa manyuku-nyuku nekukunda kwakaita Zimbabwe kumakwikwi aya.

“Vanhukadzi vakadadisa, vamwe vakapihwa mibairo vanosanganisira Rumbidzai Muparutsa, uyo anova Junior Mayor wekuKadona akataura nezvekodzero dzevanhukadzi akatora mukombe wekutanga pamwe neMsasa Project.

“Emilda Dzigagwe, uyo akambosangana nekushungurudzwa asi ava muzvinabhizimisi, akatora zvakare mukombe mushure mekunge apupura mararamiro aaita nepaave iye zvino,” vakadaro Cde Muchinguri.

Rimwe sangano rakakunda mumakwikwi aya ndereWomen in Politics rekuBulawayo.
Cde Muchinguri vakati Hurumende icharamba ichipa vanhukadzi mikana yekuti vasimudzire upenyu hwavo pamwe nekurwisana nemhirizhonga.

“Naizvozvo mikombe yatakahwina iyi ichaita kuti tirambe tichishinga mukurwira kodzero dzedu. Iye zvino tiri mushishi kugadzirisa yatinoti Gender Commission iyo ichange ichiona pamusoro pekuzadzikiswa kwezviri kushuvirwa nevanhukadzi ichiita kuti mitemo nemagwaro kubva mubumbiro remutemo wenyika zviri pamusoro pevanhukadzi zvinge zvichizadzikiswa,” vakadaro Cde Muchinguri.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×