Handisi kumira: Sensei Muripo

Abel Ndooka —
SHASHA yemutambo wekarate, Sensei Samson Muripo – uyo achangobva kuhwina menduru yegoridhe kumutambo weWorld 3rd International So-Kyokushin Karate Tournament kuAhvaz, kuIran – anoti kukunda kwake kusimukira kukuru kwemutambo uyu muZimbabwe.

Sensei Muripo kuIran akakwikwidza mumapoka anoti Kata Competition apo akapedza ari pechitatu ndokuhwina menduru yebhuronzi, +23 Category Under 90 kgs akapedza ari pechipiri ndokuhwina yesirivha kozoti Senior Men Open Weight Category 35-40 Years apo akahwina yegoridhe.

Panguva iyo Zimbabwe yatarisana nekuronga mutambo weFirst So-Kykoshin International Karate Tournament, Sensei Muripo anoti kuhwina kwaakaita kuchabatsira kuti vakotsveri vatsigire mutambo uyu.

Karate, anodaro Sensei Muripo, mumwe wemitambo iri kusimukira uye ine mukana mukuru wekusimudzira mureza wenyika.

“Tine basa guru ratakatarisana naro muno sezvo tiri kuronga mutambo wedu mukuru weFirst So-Kyokushin International Karate Tournament uyo uchaitirwa muHarare muna Chikunguru. Mutambo uyu uchabatsira zvakasimba kushambadza nyika yedu,” anodaro Sensei Muripo.

“Kuhwina kwandange ndichiita ndinoona sekuchabatsira kuti vakotsveri uye kana Hurumende chaiyo itsigire mutambo uyu nekushanda pamwe nesu apo takatarisana nekuronga mutambo wedu mukuru uyu.

“Hatisi kuita izvi kutsvaga mbiri, kwete asi kusimudzira mureza wenyika yedu tose kuti tifare,” anodaro Sensei Muripo.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×