Handisi murondatsimba: Hawk Man

Abel Ndooka

Muimbi weZim dancehall Briton Mavhura uyo vazhinji vanoziva nezita remadunhurirwa rekuti Hawk Man anoti chiso chake chakafanana zvikuru nechaWinky D asi hazvireve kuti ave murondatsimba sezvo anotoshuvira kusvika padanho rave neshasha yemhanzi iyi.

Hawk Man akafanana zvikuru naWinky D uye vanhu vachimuona vamwe vanotofungidzira kuti ndiye muimbi ane mukurumbira uyu.

Hawk Man anoti haakwanise kushandura chiso chake kuti chisafanane nechaWinky D.

“Ndiwo masikiro angu andakaitwa, Winky chibaba chedu paZim dancehall nekuti kwaasvika kure panyaya dzekuimba uye nyika dzaaenda dzakawandisa zvikuru. Ini handingade kunzi ndiri murondatsimba wake, kwete. Asi chandinotoshuvira kudzidza kubva kwaari kuti zvimwe ndigosvikawo paasvika ndibudirire mumhanzi.

“Sevaimbi, hapana ane simba rekuzviti ndiye akatanga nemusambo upi neupi sezvo wakabva kare. Isu vamwe takauya uripo uye tiri vapfuuri, tichangousiya musambo uyu. Saka ngatibatane sevaimbi tichishanda pamwechete,” anodaro Hawk Man.

Hawk Man ane nziyo dzine mukurumbira dzinosanganisira ‘Mai Guru’, ‘Hello’, ‘Pinda naNdazviramba’.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *