‘Haatenge nyama Jan-Dec’

Courtney Munodawafa

Mumwe mudzimai ari kugunun’una achiti murume wake haatenge nyama kubva munaNdira kusvika Zvita izvo zvave kuita kuti mwana wake asazive chinonzi nyama.

Barbra Nyamutenha akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Max Goreke achikumbira gwaro redziviriro.

Nyamutenha anoti kubvira achitanga kugara naGoreke muna2017 haana chaakambotengerwa.

Mutongi Gladys Moyo akapa Nyamutenha gwaro rinomudzivirira.

“Kubvira 2017, baba ava havana chavakambonditengera, kana hembe zvayo. Waiti ukavati tengai preparation yemwana kana chii zvacho, vaindirova. Mukadzi weshamwari yavo chaiye aiuya achindirova achinditi sei vari kuonda,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Havatenge nyama kumba kubva January kusvika December, mwana haatoziva kuti nyama inonaka zvakadii. Havachadye chikafu kumba nekuti ndakavaendesa kumendenenzi.”

Nyamutenha anoti akavaka imba nemurume wake asi ari kuramba kuti ashandise imba iyoyo zvakasununguka.

“Takavaka imba kumusha asi vanonditi buda pano hapana chauinacho. Havadi kutenga kana midziyo apa iye zvino vakatora magwaro emba yangu yekuGlen View. Vakatora midziyo yose nemasolar, izvozvi ndiri kutochinjira mwana murima,” anodaro Nyamutenha.

Goreke anoudza dare kuti mudzimai wake anoparadza midziyo.

“Iye anoti pose patanetsana kubvira 2017 anotora midziyo achipwanya, akambotema TV. Akaramba kuti mukoma vangu vafanogara kumba kwekanguva kadiki vachitsvaga imba, akabva arongedza bhegi rake achiti anoda kuenda kwevabereki vake nekuti haagare pakawandwa,” anodaro.

Goreke anotizve mwana wake anomuchengeta zvakanaka.

“Kungotaurawo hake asi ndinotomupa kadhi rekubhengi kuti atenge zvinhu. Akambopa mukoma wangu hupfu 10kg yaainge atenga mushopu, pavakaedza kumudzosera vakauya ne10kg yehupfu yekupima akairamba achida hwemuchitoro. Anoramba zvakare kuenda kumusha,” anodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *