Handisi ndururani: Edmond

Abel Ndooka
MUTAMBI wemadhirama Boaz Muchirahondo — uyo vazhinji vanoziva saEdmond pamutambo Pedyo Kure — anoti zvinoda hushingi mubasa iri sezvo risingabhadhare uye muupenyu hwake haana misikanzwa sezvaanobuda achiita.

Muhurukuro neKwayedza, Edmond anoti zvemadhirama hazvibhadhare, saka anotoita zvekubatanidza-batanidza kumwe kwaanoshanda achigadzira makombiyuta kuti akwanise kurarama.

“Madhirama muno munyika hapana chatinowana, tinongozviitira nekuti tinozvida uye zviri matiri. Hapana chatinowana kubva mazviri. Ini ndinotosevenza rimwe basa rekugadzira makombiyuta kuti upenyu hwangu huendeke. Pasina izvozvo hapana chimwe chatinowana kuburikidza nemadhirama,” anodaro.

Pamutambo Pedyo Kure, Edmond munhu anozivikanwa achinetsa zvikuru, achingoita misikanzwa.

Asi muchinda uyu anoti misikanzwa yaanozivikanwa nayo pamadhirama handizvo zvaari muupenyu hwake.

“Vanhu vanotofunga kuti ndiri ndururani asi nditori munhu akanyarara hangu, ndinotya Mwari.

“Mukabvunza vanhu vanondiziva vanogona kundirevera kuti ndiri munhu akaita sei,” anodaro.

Edmond akatanga kuita zvemadhirama mugore ra2017 uye anoti ane chimwe chirongwa chaari kubika chinobuda padandemutande reYouTube chinosanganisira ny’ambo.

Akatanga zvemadhirama apo iye neshamwari dzake vaingozvitora mavhidhiyo vachingonakidzwa, ndokutozoona kuti chipo chirimo maari izvo zvakamutuma kuenda kunotsvaga basa. Ndipo paakazopinda mudhirama rePedyo Kure.

“Zvemadhirama ndakangozvitanga ndichiita sekutamba neshamwari dzangu, tichizvitora mavhidhiyo tichinakidzwa zvedu. Ndakatozoona kuti ndine chipo.

“Ndakazoenda kunozama raki rangu paitsvagwa vanhu vanobuda padhirama iri, ndikatokwana, ndipo pazvakatangira.”

Edmond anoti ramangwana rake anoda kuve nekambani yake inobika madhirama.

“Shuviro yangu kuti ndive nekambani huru inobika madhirama. Tinoziva kuti muno zvemadhirama zviri pasi asi ndinoda kushanda kuti tizvishandure, zvinakire tose tiri mazviri,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *