‘Huyai kuFood & Culture Festival’

Elita Chikwati
GADZIRIRO dzedopiro rekutanga rekuratidzirwa kwekudya kwechivanhu (Zimbabwe Food and Culture Festival) — iro riri kutanga nemusi weChina uno muguta reHarare — dzasvika kwamvura yacheka makumbo.

Chirongwa ichi, chinova chakavambwa nemudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, chichange chichiratidzira tsika nemagariro evanhu vatema. Mitambo yakasiyana yechivanhu icharatidzirwa muHarare Gardens kubvira neChina chino kusvika neMugovera nechinangwa chekusimudzira nyaya dzekushanya.

Mai Busi Marandure — avo vanova chamangwiza wesangano reAngel of Hope Foundation — vanoti vanofara zvikuru nebudiriro yakatarisana nechirongwa ichi.

Vanoti chiri kutsigirwa nemakambani nevamwe veruzhinji.

“Tine vana vemuzvikoro zvepuraimari nesekondari nevemayunivhesiti vachauya kuzotsigira chirongwa ichi. Tinoda vanhu vakawanda kuti vauye kuzotitsigira,” vanodaro.

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *