‘Handizi shoroma, ndiri hwindi’

Nyasha Chabvonga
MURUME wekuendeswa kudare nemukadzi wake achida mari yemendenenzi achinzi ishoroma uye akatiza mhuri yake kwemakore 11 akati haazi “ngamura” asi kuti anoshanda sahwindi. Mary Makuyana akamhan’arira Thabiso Ncube kudare reHarare Civil Court achida $800 pamwedzi yekuchengeta mhuri yavo. “Vedare murume uyu kutotanga kumuona uku, akandisiya zvakandishamisa kungobuda mumba here kwemakore 11 kwaakanogara handikuzive? Ndinozviziva kuti mari anayo anotambira $1 800 uye ane mota dzake dzinobva muno muHarare kunobata Gweru dzinotakura vanhu,” akadaro Makuyana.

Akaenderera mberi achiti kubva zvakabva murume wake pamba angova munhu wezvikwereti zvoga-zvoga sezvo mari isisamukwanire iye nevana.
“Pawakaenda ndakasara ndikatambura ini. Iko zvino vana vane zvikwereti kuzvikoro saka unofanirwa kundibatsira kuzvibhadhara pamwe nekundibhadharawo ini pachezvangu. Kutaura kuno haatombizivi kuti vana vake vakura sei, vanogarepi, vanodyei kana kupfekei,” akadaro Makuyana.

Ncube akaudza dare kuti akanga asina motokari dzinotakura vanhu sezvaive zvarehwa naMakuyana achiti anoshanda sahwindi.
“Ini nditoriwo zvangu hwindi, ndinowana $15 pasvondo zvichienderana nekudaidzwa kwandinoitwa kumota dzauri kureva saka ndinotikwanisa kukupa $40 pavana vaviri.

Handina kambani yandinoshandira ini ndinototambura nevana vashanu vandinavo, ndatoshaya kuti mari yawareva wakaiwanepi,” akadaro Ncube
Mutongi Babra Mateko akati nyaya yavaviri ava yaizodzoka zvakare mudare.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *