Harare Declaration inotsinhira kupedza AIDS

TINE donzvo rekupedza kupararira kweutachiona hweHIV neAIDS zvachose mugore ra2030 zvinobva zvareva izvo kuti iwe neni tine basa. Nyika yedu yakabva kuita musangano wezvirwere zvepabonde mukuru wepasi rose weInternational Conference on Aids and STIS (ICASA) uyo wakapera musi wa4 Zvita kwakasungwa zvibvumirano zvinokosha.

Kwakaziviswa kuti Harare ichazove pamiromo yevanhu pasi rose nekuti kwakaitwa chisungo icho pachirungu chinonzi Harare Declaration. Harare Declaration yakatsinhira kupedza AIDS mugore ra2030.

Munyori mukuru mubazi rehutano nekuchengetedzwa kwakanaka kwevana, Dr Gerald Gwinji, vakazivisa nezvechisungo ichi apo paiitwa nhumba yemuonekadzano yemusangano weICASA.

Dr Gwinji vakaverenga zvisungo gumi nechimwe izvo vakati zvichazadziswa mukupedza denda reAIDS.
“Tinotambira nekufara uye kuzvipira kudonzvo rekupedza denda reAIDS nemwoyo wese senyika, tigozvipira sedunhu kuti AIDS inopera tikashanda pamwe chete,” vakadaro Dr Gwinji kumhururu nemuridzo.

Chibvumirano ichi hachisi cheZimbabwe yega asi nyika dzepasi rose uye vakuru vehutano vaivepo vakatsinhira kuti nyika dzavo dzichaenderera mberi nechisungo ichi.
“Tichiri kushushikana nerusarura nekuonerwa pasi kunoitwa vanhu vanorarama neutachiona hweHIV. Zvirongwa zvese zvichange zvichiitwa hazvizosiyi vanhu vanorarama neutachiona hweHIV kunze.

“Hakuna munhu anosarurwa kusiyiwa muchirongwa zvisinei nemararamiro ake,” Dr Gwinji vakatsinhira.
Vehutsanzi neruzivo munhau yekutsvaga mushonga kana jekiseni ringapedze denda iri vakatendwa nebasa guru ravari kubata.

Kusati kwava nemapiritsi emaARV zvaive zvakaoma uye ruzhinji rwakafa asi nhasi nekuda kwemapiritsi emaARV ava kupa vanhu vane utachiona hweHIV mukana mutsva wekurarama nehutano hwakanaka seavo vasina.

MaARV haapedzi utachiona hweHIV kwete, anopedza simba reutachiona hwotadza kututuma kusvika pakutonhora asi hauperi.
Dzimwe nguva munhu anonwa mapiritsi aya zvakanaka iwo achishandawo sezvinotarisirwa anoti akaongororwa ropa utachiona hweHIV hauzoonekwi.
Izvi hazvirevi kuti hwapera asi kuti hwava pasi-pasi zvekuti hauchabatiki.

Nyika yeZimbabwe haisi kurara nezamhu mukanwa mukutsvaga mishonga yemaARV kwete. Chikoro chepamusoro cheUniversity of Zimbabwe chiri mushishi yekutsvaga nzira dzekupedza denda iri. Tsvakiridzo iyi yakatanga mugore ra1992 uye muzvinafundo wepamusoro Professor Mike Chirenje, avo vanotungamirira utsanzi uhu, vakava nhengo yezvidzidzo izvi mugore ra1994.

Prof Chirenje vakazivisa kumusangano weICASA kuti ivo vasvika papi munhau iyi uye kuti sedunhu vane mushandirapamwe nevamwe vanamuzvinafundo muzvikoro zvepamusoro muAfrica.

Denda reAIDS rakatakurwa neAfrica kupfuura mamwe matunhu ose nekuti chikamu 70% chine utachiona hweHIV chinogara muAfrica.
Dr Thumbi Ndung’u vechikoro chepamusoro cheKZN vakazivisa nehutsanzi hwavafamba pakutsvaga nhomba yekudzivirira utachiona hweHIV.
Dr Ndung’u vakati zvinotora makore mazhinji kuti nhomba inzi yabudirira yave kuzobayiwa vanhu.

“Kugadzirwa kwevaccine irwendo chairwo rune makata harudi vasina kusimba. Nhomba yepolio yakatanga kugadzirwa mugore ra1909 asi yakazonzi hongu yava nekodzero mugore ra1945. Vamwe vakatenge vawora mwoyo vasiyana nazvo.

“Asi nhasi polio harisiri dambudziko nekuti inobayirwa nhomba, zvimwe chetezvo nekutsvaga jekiseni reutachiona hweHIV irwendo uye yeukayi kuti denda rava nemakore makumi matatu neanoraudzira naizvozvo tiri mushishi kugadzira mushonga wenhomba uyu. Hazvisi nyore uye hazvingomuka zvonzi tava kubaya vanhu, zvine matanho anotariswa uye anofanira kuzadziswa,” vakadaro Dr Ndung’u.

Mudzimai anove mudzidzisi kunyika yeKenya, Dr Nelly Mugo, vakapiwa ruremekedzo rwekutungamira muzvidzidzo izvi zvepamusoro. Ivo havana kukwanisa kuvepo pamusangano uyu nekudaro mubayiro wavo wakagamuchirwa nemumiriri wenyika yavo muZimbabwe.

Musangano weICASA wakapindwa nevanhu vanosvika 5 000 kubva kunyika 172 pasi rose.
Zimbabwe haisi kuzorara nezamhu mukanwa nekuti hakuna mwana anofanirwa kuzvarwa aine utachiona hweHIV sezvo mishonga yemaARV inonwiwa naamai vakazvitakura kuti mwana asatapurire yaveko. Amai vanonwa mishonga iyi kwehupenyu hwose.

wenyu:[email protected]

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×