‘Hanzi ndiri muroyi nhai?

Nyasha Bvudzijena

HADZVADZISIKANA nehadzvadzikomana vakamisidzana mudare vachipomerana nyaya dzehuroyi nekuurayirana mwana.

Jaine Madanha akamhan’arira Tawanda Madanha kuHarare Civil Court achiti anoda gwaro redziviriro sezvo ari kupomerwa huroyi.

“Changamire, ini ndinorwadziwa nezviri kuitwa nehanzvadzi yangu nehama dzangu. Vari kuti ndini ndakadya mwana wake saka zviri kundishaisa rugare. Inini handisi muroyi saka ndinoda kuti asasvike pamba pangu,” anodaro Jaine.

Tawanda anoti haana kupumha hanzvadzi yake huroyi asi mukufamba kwavakaita semhuri, zvakaonekwa kuti Jaine aive nechokuita nerufu rwemwana wake.
“kumusha kwedu kwaRusape kutori nenyaya iri mudariro yehanzvadzi yangu kwamambo yehuroyi.

Asi, chiri kunetsa ndechekuti ari kuramba kuenda kudare ramambo,” anodaro.
Tawanda anoti hanzvadzi yake yakamutandanisa nedemo apo akange aenda nemupurisa wamambo aida kumupa samanisi rekuti aende kudare.

“Ndakapihwa mupurisa kwamambo kuti amusunge saka ndakamuperekedza sezvo akange asingazive kumba kwavo.

Tichingosvika, hanzvadzi yangu yakatitandanisa nedemo zvekuti kutaura kuno anotofanira kunoripa kwamambo nekuzvidza dare uye kurwisa mupurisa,” anodaro Tawanda.

Anoti chaari kungoda kuti mambo avagadzirise semhuri vagone kugara zvakanaka uye haana daka nehanzvadzi yake.

Mutongi Noah Gwatidzo anoti Jaine anofanira kutanga aenda kwamambo kunotongwa opedza nyaya dziriko sezvo kuri iko kwakatanga kukwidzwa nyaya, kwete kushandisa dare kutiza mhosva dzake sezvo mumagwaro ake aive akati Tawanda amiswe kusvika pamba paanogara.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *