‘Hapana zvinoyera, itsika yekwedu’

Munyori weKwayedza
VEKUMHURI kwainge kwakaroorwa Cathrine Chiyanike vanoti hapana zvinoyera pachivanhu kuti muroora akorobhe makuva evashakabvu kwaanenge awanikwa sezvo iyi iri tsika inotevedzwa nevamwe vanhu kwaMutoko. VaJosiah Njagu, avo vanova mukoma mukuru kumhuri yekwaNjagu, vanoti Cathrine anonyepa kuti ave kurwara nekuda kwekuti akakorobheswa makuva evatorwa.

“Mudzimai uyu aiva akaroorwa mumusha medu ndokutiza murume.
‘‘Apo akangopedza masvondo maviri atiza, mwana wedu waaiva aenda naye akabva awira mumvura ndokufa.

“Isu tinoti zvose zvaave kutaura kuda kuhwanda zvavakaita, akauraya mwana wedu nekumuwidzira mumvura. Akany’udza mwana wedu, zvaave kutaura izvo kunyepa,” vanodaro.

Vanoti vanoshamisika kuti kuwira kwemwana mumvura kunei nekutsvaira uko akaita makuva.
“Haana kutsvaira oga makuva aya, akaita nevamwe varoora apo vanozobhadharwa mari nesu, vanogarira marara aya kusvikira vapihwa mari vachipukuta nemazambia avo.

“Chivanhu chedu semaBudya isu veShumba Nyamuzihwa. Takazoviga mwana wedu mukadzi uyu nehama dzake vasipo, ichokwadi taisawirirana,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *