Harahwa (70) yekuzama kubata chibharo mwana wemakore 15 yozvidemba

Muchaneta Chimuka

HARAHWA ine makore 70 okuberekwa yekuzama kubata chibharo mwanasikana weroja rayo ane makore 15 okuzvarwa kuChitungwiza yozvidemba zvichitevera kutongerwa kwayakaitwa kugara mujeri kwemakore matatu azere.

Lovemore Chauruka akatanga atongerwa makore matanhatu nemutongi wedare rekuChitungwiza, Mai Learnmore Mapiye, ndokuzobvisirwa makore matatu pachirango ichi nechitsidzo chokuti haafanirwi kupara imwe mhosva yorudzi urwu makore mashanu asati apfuura.

Chauruka ndiye muridzi wemba inoroja amai vemumhan’ari.

Akaramba mhosva yaaipomerwa asi umboo hwaivepo ndihwo hwakamuroverera.

Mukumupa mutongo, dare rakatarisa zera rake uye nyaya yokuti murwere, zvinova zvaakapira dare sezvichemo zvokuti ange achinzwirwa tsitsi.

Muchuchisi Shamiso Charmaine Mwapangira akaudza dare kuti nomusi wa27 Nyamavhuvhu gore rino, pane imwe imba iri kuZengeza, Chauruka akaedza kubata chibharo mwana uyu asi akazokundikana.

Izvi zvakaitika nenguva dza11pm apo mumhan’ari ainge akarara pamwe chete nemuzukuru wemusungwa, uyo ane makore 13 okuberekwa.

Vainge vakafuga magumbeze mamwe chete vari muimba yekubikira.

Chauruka akasvikovafugura magumbeze, kwave kutanga kubata-bata makumbo emumhan’ari.

Mumhan’ari paakabvunza kuti sei aidaro, akamupa US$5, ndokukumbira kushinha naye, izvo akaramba.

Zvisinei, Chauruka akaedza kuzvimanikidzira pamwana uyu asi zvaaida zvakakundikana. Musikana akakurumidza kumutsa muzukuru waChauruka, uyo akabva aonawo mashura ainge oda kuitika.

Muzukuru uyu akabvunza Chauruka kuti sei ainge ari mumagumbeze avo, achibva anyepa kuti aida kutarisa mumhan’

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *