Harahwa (80) yatemwa nedombo ndokufa

naFidelis Chavarike

HARAHWA ine makore 80 okuberekwa yekwaSabhuku Masomera kwaMambo Chitsunge, kuBuhera yakatemwa nedombo ndokufa nemumwe murume apo yaibva kurufu munharaunda iyi.

Sekuru Tanonezvi Mungwari vakasangana netsekwende iyi nemusi wa12 Chivabvu 12 nenguva dza8pm.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti ari kupomerwa kupara mhosva iyi ndiMunyaradzi Mandayaya (19).

Mandayaya akarwisa harahwa iyi apo yaienda kumba kwayo mushure mekuvigwa kwaCde Eneta Magwazi, gamba rehondo yerusununguko, avo vaibva kwaSabhuku Rambanepasi.

Pakanga pasina daka pakati pevaviri ava.

“Mushakabvu Mungwari akaonekwa achifamba netsoka murima naMandayaya uyo akamupotsera dombo ndokumutema padama rekuruboshwe, Mandayaya akabva amhanyira kumba kwaArtwell Mabvura, vaviri ava vakazodzoka vakawana mutumbi waMungwari wakarara pasi,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Zvinonzi nomusi wa14 Chivabvu nenguva dza10 mangwanani, Mai Matinetsa Muzumbare (60), mudzimai wemushakabvu, vakaenda kunochera mvura pedyo nemusha waMabvura pavakasangana naye ndokubvunza kana akanga amboona murume wavo.

Mabvura akatungamira kuenda kwaive nemutumbi waSekuru Mungwari.

Mutumbi uyo wainge wave kutoratidza kutanga kuora.

“Mai Muzumbare vakaona mutumbi wemurume wavo une ropa pamuromo nepadama, ndokufungidzira kuti akanga adonha nemusoro achibva afa nechando. Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP)  Dorowa, ayo akasvika panzvimbo iyi, akaona mavanga neropa pamutumbi uyu. Mukuferefetwa kwakaitwa nemapurisa, akaona kuti Mabvura pane zvaaivanza nekuda kwerufu rwaMungwari,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Vanoti mushure mekunge mapurisa asina kugutsikana, chikwata chaiferefeta nyaya iyi chakadzokera zvekare panzvimbo pakawanikwa mutumbi waMungwari ndokubvunzurudza Mabvura.

Mabvura akaudza mapurisa kuti Mandayaya ndiye aive apara mhosva iyi.

Vaviri ava vakabva vasungwa.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vamhan’are nyaya dzemhosva dzakadai pane kudzivanzurudza nekuti iyi imhosva huru inozoona munhu achitongwa zvizere maringe nemutemo,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Vanoti mutumbi waMungwari wakaendeswa kuchipatara cheMurambinda Mission Hospital kunoongororwa nanachiremba.

Related Posts

Hativhunduke Harare derby: CAPS United

Tadious Manyepo naEddie Chikamhi MUKURU-MUKURU weCAPS United, Farai Jere, anoti havazi kumborohwa nehana nekuda kwemutambo weCastle Lager Premier Soccer League pakati pechikwata chake neDynamos, uyo unozivikanwa nekunzi Harare derby, kuRufaro…

Bhizimusi guru kubva pamavambo anoshoreka

Flora Fadzai Sibanda MAKORE maviri adarika, munzvimbo yakanyarara yeWard 6, mudunhu reUmguza, Gracious Sibanda, uyo ane makore 31 okuberekwa, akaita sarudzo yaizoshandura upenyu hwake zvishoma nezvishoma. Izvi hazvina kutanga nehurongwa…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *