‘Ndakapinzwa Satanism kuJoni’ . . . ndinonzwa mazwi evanhu achitaura

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anobva kuDhirihori kudunhu raMambo Svosve, kuMarondera – uyo ava kungomberereka mumigwagwa yemuHarare – anoti akapinzwa muchitendero cheSatanism nevanhu vaaigara navo kunyika yeSouth Africa uko akange aenda kunotsvaga basa.

Mai Eunica Chipangura (52) vanoti chitendero cheSatanism ichi chakazosimbiswa apo vakapinda mujeri vasungwa nekuda kwemhosva yekugara kuSouth Africa zviri kunze kwemutemo.

Vanoti vakaenda kunyika yeSouth Africa vachida kunotsvaga basa uko vakasvikotanga kusangana nevamwe vanhu vemuZimbabwe nevaikoko.

Mai Chipangura vanoti vanhu ava vakatanga kuvataurira kuti vaida kuti vaite zveSatanism.

“Tine panzvimbo pataigara kubvira ndichitsvaga basa kusvikira ndakazoriwana. Vanhu ava vaisanganisira vechirume nemadzimai uye vaitaura mashoko mamwechete ekuti ndini ndakanga ndasarira kuroya, kureva kuti vaida kuti ndipinde Satanism. Munhu wese anonzi aifanirwa kubvisa R1 000 kuti ave nhengo yechikwata chemaSatanists izvo zvinonzi zvaizounza mari zhinji kune vainge vabvuma kuita nhengo dzechinamato ichi,” vanodaro Mai Chipangura.

Vanoti madzimai aya nevarume vaivaveteredza kupinda muchikwata ichi zuva nezuva.

“Panguva yose yandaimanikidzwa iyi, paiva nevakuru vacho veSatanism vaitungamirirwa nemumwe murume. Ndakavataurira kuti ndaida kuti ndinotanga ndazivisa hama dzangu kuti ndava kupinda muchikwata ichi, izvo vairamba vachiti hama dzose hapana munhu aifanirwa kuziva danho iri,” vanodaro Mai Chipangura.

Vanoti vakashungurudzwa kwenguva refu nechikwata chevanhu ava apo vaiuya kwavaigara.

“Panguva iyi, ndakatanga kunzwa mazwi evanhu ava achibva nemumhepo vachindivhundutsira kuti vachapedzerana neni nekundiuraya kana kundipengesa. Ndakabva ndazosungwa nekuda kwekuti magwaro angu ekunge ndichigara kuSouth Africa ndichishanda akanga apera mazuva acho. Pakuenda kujeri, mazwi aya akandiperekedza achiti ndainosangana nevamwe veSatanism kujeri ikoko izvo zvakaitika zvechokwadi,” vanodaro Mai Chipangura.

Vanoti kujeri, vakasvikotambirwa nevamwe vanhu vachinzi mumwe wechikwata ichi akanga auya izvo  zvakavashamisa zvakanyanya.

“Ndiri kujeri ikoko, uko ndakapika mwedzi miviri nechidimbu, vamwe vechinamato cheSatanism vaivakowo vaindipinza chinhu chaipisa mukanwa chichidzika kusvika mudumbu. Chaindipisa uyewo nekundibaya kunhengo dzakavandika, vachibaya chibereko changu. Hakuna aigona kundinunura nekuti ndaiti ndikada kuzvitaura ndainzi ari kurwara nepfungwa,” vanodaro Mai Chipangura.

Vanoti chikwata chevanhu ava chinovaronda kwese kwavanoenda vachinzwa mazwi emadzimai nevarume achivataurira zvekuita.

“Ndakaenda kunyika yeSA mumwedzi waGumiguru mugore ra2023 pandakanosangana nematambudziko aya. Ndakazoburitswa mujeri ndikanzi ndichidzoka kuno kumusha asi chakandishamisa dzimwe nhengo dzechikwata cheSatanism dzaiva mujeri umu dzakanditevera kunze ivo vachinzi vaiva mujeri,” vanodaro Mai Chipangura.

Vanoti vakasvika kumahofisi anopa matsamba ekuti vadzorwe kuZimbabwe uko vakazopinzwa mune rimwe bhazi rinotakura midziyo.

Mai Chipangura vanoti mubhazi umu maingova nevarume vashoma sezvo maiva makazara midziyo yakasiyana.

“Varume vakanditakura kudzoka kuno kumusha mugore ra2024 handina kuziva zvakare kuti vaiva muchikwata cheSatanism ichi. Vakazotanga kundipinza muchina mudumbu mangu nekwakavandika vachiti vaitora ‘mbeu’.

“Handaikwanisa kuchema sezvo ndaitanga ndapedzwa simba nemwenje wavaiva nawo pahuma,” vanodaro Mai Chipangura.

Vanoti mumwe wevarume vavaiva navo mubhazi iri aisanduka kuita chimhuka kusvikira vasvika kuZimbabwe.

“Varume ava vakasvika neni kwavaiti kwaiva kuHighfield asi ini semunhu anoziva Harare ndakaona nzvimbo iyi kusiriko, uko vakangondikanda nembatya dzangu. Ndakasiiwa ndisina kana mari yekufambisa, ndakazodzungaira kwemazuva neusiku ndokuzobengenuka ndava mukati meguta reHarare umo ndiri kugara mumigwagwa,” vanodaro Mai Chipangura.

Mudzimai uyu anoti vabereki vose vakafa uye ane mukoma wake waasingazive kwaanogara muHarare.

Vanoti vakarambana nemurume nekuda kwekushaya mbereko.

“Dzimwe hama dziriko kuDhirihori kwaSvosve kuMarondera asi handina nhamba dzenhare dzavo. Dambudziko riripo nderekuti dzimwe hama dziri kuSA dzakaziviswa nezvenyaya yekuti ndava kuita zvehuroyi saka hapana hama ichandida,” vanodaro Mai Chipangura.

Mudzimai uyu anoti anotsvagawo vanomubatsira kuti mashavi eSatanism akaiswa paari abviswe uyewo owana pekugara pakanaka.

Zvakadai, nyanzvi yezvechivanhu – Sekuru Chirume Chirume vemuHarare – vanoti Mai Chipangura vanofanirwa kubatsirwa nekukasika kuti vabviswe mweya wakaipa uri pavari.

“Amai ava ngavataure chokwadi, imwe nguva vakapinda vachida asi zvava kuvanetsa,” vanodaro Sekuru Chirume Chirume.

Madzibaba Mateo Mupfumbati vemuHarare zvekare vanoti kana mudzimai uyu akasabatsirwa padambudziko rake iri anogona kupedzisira ave kurasa njere.

“Amai ava vanoda kubatsirwa nenguva nekuti zvavakaiswa zvihombe,” vanodaro Madzibaba Mateo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×