Harahwa dzakayeukwa

Sandy Musungata
KAMBANI yeUnilever svondo rapera yakabatsira musha unochengetwa vakwegura, weBumhudzo Old People’s Home uri kuChitungwiza, nezvekushandisa mukuchenesa musha wavo zvakaita semishonga yemuzvimbuzi.
Vachitaura pakugamuchidzwa kwechipo ichi, Unilever home care assistant brand manager, VaTinashe Chirere, vakati vanoda kuti vadyidzane nenharaunda yavo kuburikidza nekugoverana navo zvavanogadzira.

“Tinofara kuuya kuno kunanasekuru nanambuya vedu tichikuonai muchifara uye muine utano. Tangouyawo nekachipo kedu semhuri yeUnilever kuti mushandise mishonga yatinogadzira inouraya utachiona muzvimbuzi zvenyu, ndiro pamwe nembatya dzenyu kuti mugare muine utano hwakanaka,” vakadaro VaChirere.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Mai Rebecca Chisamba, vakati vanhu vakwegura vanofanirwa kuchengetwa zvakanaka.

“Zvinhu zvinofadza uye zvinopa mutsigo kuona vasharukwa vakadai tichitarisa mazera ari pano kuti vakagwinya uye vaine utano hwakanaka, kutaura kuti pano pari kubatwa basa. Zvinongodudzira kuzvibata panguva yavo saka vechidiki tinofanira kuzama kuchengeta vakuru ava nekuti njere dzese vakapa isu kwete kuvasema,” vakadaro Mai Chisamba.

Related Posts

Murimi wekuGoromonzi oita purofiti inodarika US$250 pagoho roga roga

Muchaneta Chimuka VARIMI vane chitsama nevadzidzi vekumakoreji ezvekurima nomusi weChitatu vakashanyira purazi remumwe murume wekuArcturus, mudunhu reGoromonzi, uyo ari kuita mashura nezviratidzo mukurima hanyanisi, madomasi, makarotsi, nyemba, mbatatisi nezvimwe. Vanhu…

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×