Ticha ane vana ‘jahwi’

MURAIRIDZI wekuita gurumwandira revana vanosvika 13 akazochechuka adhonzerwa kudare nemumwe mukadzi achida mari yekuchengeta vana.
Memory Matevere akamhan’arira Edson Kanga kuHarare Civil Court achiti murume uyu haasi kuchengeta vana vake.

Mudzimai uyu akaudza dare kuti: “Ishe wangu, ndaona nhamo nababa ava nekuda kwekuti havadi kuchengeta vana. Chero ndikakumbira mari shoma sei havandipe, zvikonzero zvavanondipa zvacho hazvina musoro nekuti munhu waticha anoti mari yese yapera nekutenga chikafu kumba kwake achirega vangu vana vachidya nhoko dzezvironda?

“Kumba kwake handikuzive uye kuti ane vana vangani handina ruzivo nekuti takadanana tega, ava kuzondiudza kuti ane mhuri ini ndave nevana vaviri naye. Ipapo ndakange ndave kugara nenzara iye achiti mari iri kuenda kumusha kunovaka uko akange asingadi kuti ndisvikeko. Pandakazoziva chokwadi ndakabva ndati tisiyane zvedu.”

Achizvidzivirira, Kanda akati mari yake inoperera yese kumba kwake nemhuri yake huru nekuti yakakurisa uye mari yaanosara nayo ishoma.

“Ini ndinoda kuchengeta mhuri yangu asi mari yacho ndiyo shoma, ndinosara neUS$160 kunyange zvazvo ndiri mudzidzisi zvakare ndine vana 13 saka amai ava ndakavati vandipe vana ndichengeta vese pamwe chete asi iye ave kuti anoda mendenenzi ini ndirini ndine vana vacho. Kutaura kuno vana vane hanzvadzi yangu saka mari yacho anoda yei?” akadaro Kanga.

Mutongi Gamuchirayi Siwardi akabvunza Matevere kuti vana vakange vanani pari zvino, akati vakange vatorwa nguva pfupi yadarika nababa vavo.

Mutongi Siwardi akati mari yemendenenzi haipihwe kumunhu asiri kugara nevana.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×