DZIDZO yemuZimbabwe inofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti ifambirane nezvinodiwa munyaya dzebudiriro muupfumi hwenyika sezvinangwa zveZim-Asset, mutungamiriri wenyika President Robert Mugabe vanodaro. Zim-Asset chirongwa chakananga kuvandudza upfumi hwenyika muzvikamu zvakasiyana kuitira kuti pave nebudiriro huru.
Vachivhura zviri pamutemo musangano wezvedzidzo weEducation Conference and Expo 2012 muHarare svondo rapera, President Mugabe vakati budiriro yevanhu venyika ino munyaya dzedzidzo inofanirawo kuonekwa nekusimukira kweupfumi hweZimbabwe.
Vanoti panofanirwa kuve nekusimudzirwa kwakanyanya kwezvidzidzo zveScience, Mathematics neICT.
“Hongu, tine chikamu chinosvika 90% chevanhu vanogona kunyora nekuverenga, asi tagara tichiti kwatiri hakuzi kugona kunyora nekuverenga chete kwatakanangana nako. Tinoda kuona mwongo weyatinoti dzidzo yemhando yepamusoro-soro, nekudaro ndinofara kunzwa kuti pane zvidzidzo zvevadzidzisi zviri kuitwa zveScience neMathematics – izvo zvatinonyanyoda uye zvinoenderana nezviri kudiwa pari zvino, mumazuva ano ehunyanzvi hwemichina yechizvino-zvino,” vanodaro President Mugabe.
Vanoti dzidzo yakakosha zvikuru mubudiriro yeupfumi hwenyika.
Pari zvino pane varairidzi vanosvika 600 avo vari kuita madhigirii eICT apowo vamwe 2 500 vari kuita anosanganisira eMathematics, Science, mitauro yemuno neEarly Childhood Development kumayunivhesiti mashanu eHurumende.
President Mugabe – avo vanovazve mukuru-mukuru wemauto – vanoti fundo inofanirwa kuumba mudzidzi akazara uyo anokwanisa kukwikwidza mumabasa, kwete muZimbabwe chete, asi pasi rose.
Vanoti zvinofadza kuona kuti Zimbabwe yakazadzisa zvinangwa zvayo zvine chekuita nefundo zvemaMillennium Development Goals.
“Zimbabwe nguva pfupi yadarika yakaita ongororo yezvidzidzo zvepuraimari nesekondari nechinangwa chekuti zvinge zvichienderana nevadzidzi pamwe nezvinodiwa mukusimudzira upfumi hwenyika.”
President Mugabe vanoti Zimbabwe ine rombo rakanaka rekuva nezvicherwa zvakawanda, nekudaro zvakakosha kuti pave nevanhu vane ruzivo rwemachererwo azvo pamwe nekuzvivandudza.
Votaura nezvevashandi veHurumende, President Mugabe vanoti ngavasarase tariro sezvo Hurumende yakazvipira kusimudzira mashandiro avo uye mari yavo yemuhoro ichaongororwa panguva iyo huwandu hwemari iri kuwanikwa nehomwe yenyika hunenge hwawedzera. – The Herald.




