Harare yagadzirira maParalympics

PUROVHINZI yeHarare inoti yagadzirira kuenda kunohwapura menduru dzakawanda kumitambo yemaNational Paralympics Games iyo ichaitirwa kuGwanda muna Kurume.

Mitambo iyi ichatanga musi wa31 Kurume ichizopera musi wa4 Kubvumbi.

Mapurovhinzi ese achatumira zvikwata kunokwikwidza mumitambo inosanganisira nhabvu, netball, basketball, wheelchair basketball, tenesi nemijaho yekumhanya.

Christopher Katore anove education officer kubazi remitambo, tsika nemagariro anoti purovhinzi yeHarare yagadzirira zvikuru makwikwi aya.

Gore radarika, Harare yakapedza iri pechina mushure mekunge yahwina menduru 23 dzegoridhe.

Katore anoti gadziriro dzeHarare dzakatanga apo vakatsvaga vatambi pakaitwa mitambo yemadistrict uye svondo rino ndipo pavange vachisarudza chikwata chavo chekupedzisira chekuzotakura kuenda nacho kuGwanda.

“Gore rino takarongeka zvikuru kudarika mamwe makore ese, tiri kuenda kuGwanda kunohwina chete kwete kutsvaga zvimwe zvakawanda.

“Gore radarika, takapedza tiri pechina saka tinoziva kuti gore rino tinohwina chete, mukombe ndewedu.

“Hapana vanomira nesu kumitambo yehearing impared soccer, hearing impared netball, basketball, wheelchair basketball newheelchair tenesi uko tagara tinotora goridhe makore ese saka chasara kuti tigadzirise kune mimwe mitambo yatange tichitatarika,” akadaro Katore.

Makwikwi egore radarika akahwinhwa neMidlands iyo yakaenda kumusha iine menduru 35.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×