ILO yosimudzira vechidiki

SANGANO reInternational Labour Organisation rovandudza mabasa ekurima evechidiki kudunhu raMambo Njelele, kuGokwe kuburikidza nekuvaisira madiridziro, kuvapa mbeu nerumwe rubatsiro runodiwa pakurima.

Chirongwa ichi chinodaidzwa kuti Mapfumo Youths Farming Project chakatanga gore rakapera icho chiri kubatsira vechidiki vanosvika 65 vane makore 18 kusvika 35.

Mambo Njelele, VaMisheck Njelele, vanoti vechidiki vemudunhu ravo vari kuwana pundutso kubva muchirongwa ichi.

“Ini samambo muno ndakaenda kunotsvaga rubatsiro kusangano iri ndokubvuma kupinda mudunhu mangu vachipa ruzivo kune vechidiki vachibatsirwa nevarimisi. Vanopinda muchirongwa ichi vanobvira pamakore 18 kusvika 35 uye vakangodarika makore anodiwa aya vanobva vabuda vonotanga zvavo voga zvinofambirana nekurima,” vakadaro Mambo Njelele.

Minda iri kushandiswa mubasa iri ndeye vanhu vemunharaunda iyi iyo yakatandavara mahekita matanhatu nechidimbu.

Sangano reILO rakatocheresa zvibhorani zviviri nekuisawo tangi rekuchengeta mvura nemapombi ekufambisa mvura.

“ILO yakapa vechidiki ava mbeu dzekurima dzinosanganisira mbatatisi, carrots, butternuts nezvimwewo izvo vakatodyara,” vakadaro Mambo Njelele.

Minda iyi yakakomberedzwa kuti musapinde zvipfuyo zvakaita semombe nezvimwe.

Sangano reILO rinonzi riri kutsvaga kwekuti varimi ava vagotengesera zvirimwa zvavo nemari yepamusoro zvisina dambudziko. Zvakadai, mumwe wevechidiki akawanikwa akarindira mumunda uyu, Vaidah Maruny’a (19), anoti anonzwa kufara zvikuru kuti vakawaniswa mukana wakadai.

“Takachererwa zvibhorani zviviri tikaisirwa masolar panels 14 netangi hombe rekuchengetera mvura, saka zvichasimudzira upenyu hwedu,” akadaro.

“Tinoda kuti matangi edu awedzerwe kuti tikwanise kuchengeta mvura yedu yakawanda. Minda yedu ticharima tichichinjanisa zvirimwa zvedu.”

Related Posts

Shingai Dance Troupe hwapu mukombe weChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka CHIKWATA cheShingai Dance Troupe chemudunhu reHarare, icho chakaratidzira hunyanzvi mumutambo wembakumba, ndicho chatora mukombe pamakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance National Final ayo aitirwa muHarare Gardens nomusi weMugovera wadarika.…

ZCC eridha hutu nemudzimai wemuridzi

Lovemore Kadzura   MUMWE eridha wechechi yeZion Christian Church (ZCC) kwaMakoni, kudunhu reManicaland anonzi akatiza nemudzimai wemunhu uye gure iri rakazofumuka mushure mekunge vaviri ava vambogara vese kwemwedzi miviri vari kumafura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×