Harare yakatonga

PUROVHINZI yeHarare ndiyo zvakare yakasimudza mukombe kumakwikwi achangobva mukuitwa kuMasvingo emaNational Youth Games.
Kwemakore anokwana 9 adarika, Harare yatora mukombe uyu kanonwe kusara kweapo Masvingo yakazviitawo mugore ra2004 pamwe neBulawayo iyo yakahwapura mukombe gore rakapera.

Harare yakakumba menduru dzinokwana 40 apo 17 dzaiva dzegoridhe, 12 dzesirivha pamwe ne11 dzebhuronzi.

Masvingo, iyo yaiva pamusha payo,  yakaita nhamba 2 ndokuwana menduru 36  – 16 dzegoridhe, 7 dzesirivha  ne13 dzebhuronzi.  Zvakadaro, Bulawayo yakarwa imire ndokutora menduru 31, 9 dzegoridhe, 13 dzesirivha pamwe ne9 dzebhuronzi.

Matebeleland North ndiyo yakaita muswe apo yakawana menduru dzinokwana 4, 2 dzesirivha pamwe ne2 dzebhuronzi.

Vachitaura nezvemakwishu aya, maneja wekomiti yemakwikwi aya mupurovhinzi yeHarare, VaNathaniel Madzivanyika, vakati vainge vatunzvaidzwa zvikuru nekukunda kwavakaita.

Vanoti gore rakapera apo Bulawayo yakatora mukombe havana kuora mwoyo.

“Tiri kushaya pekubata nemufaro chokwadi izvi zvaiva pachena nekuti vana vedu vakawaniswa nguva yakakura yekugadzirira makwikwi aya uye apa tava kunyatsoziva kuti tava nemakwikwi chaiwo kusiyana neapo taingotora mukombe kwemakore akatevedzana,” vakadaro VaMadzivanyika.

Mashoko avo akatsinhirwa naVaChristopher Katore vanova Education Officer kubazi remitambo, tsika nemagariro vachiti kuhwinha kwakaita purovhinzi yavo waiva mucherechedzo wekuti vechidiki ava vainge vava kuziva kukosha kwemakwikwi aya. “Chokwadi Harare yakadadisa asi chiripo chatakaona ndechekuti vana ava vave kuziva kuti aya makwikwi nekudaro vanofanira kushanda nesimba, takatora nyanga iyi kunyangwe zvaiva zvakaoma sei, takarwa semvumba,” vakadaro.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×