SRC yoronga maDistrict Youth Games

SANGANO rezvemitambo reSports and Recreation Commission rinoti rine hurongwa hwekuparura chirongwa chitsva chemaDistrict Youth Games nechinangwa chekusimudzira mitambo yakasiyana uye izvi zvichapa mikana kuvana vekumaruwa kuti vapindewo mumitambo sezvo parizvino vakasaririra zvikuru.

Mashoko aya akataurwa naVaJoseph Muchechetere vanova director for sports development kuSRC vachiti makwikwi aya achaona matunhu akasiyana achikweshana mumitambo yakadai senhabvu yevakomana neyevasikana, basketball nenetball.

VaMuchechetere vakati ishuviro yesangano ravo kuti vechidiki vakwanise kuwana zvavanoda kushandisa munyaya dzemitambo uye danho iri richabatsira kuti vatungamiri vezvikoro, vabereki nemapazi anoona nezvedzidzo vashande pamwe chete kusimudzira mitambo.

“Tinoona kuti dambudziko riripo vana havasi kuwana zvekudzidzira nazvo zvemhando yakanaka izvo zvinozovabatsira kuti vazomisidzana nevamwe vatambi vekunze uko nekudaro pasi pechirongwa ichi tinoda kuti vabatsirwe kukwenenzvera zvipo zvavo.

“Vabereki, vachishanda nemapazi anokodzera, vachabatsira vana nezvinhu zvinodikanwa kuti vasimudzire matarenda avo, ndipo pane shuviro yedu,” vakadaro VaMuchechetere.

Vakaenderera mberi vachiti chirongwa chavakaparura gore rakapera chekuvakira vana nhandare dzemitambo kumatunhu ose enyika  cheCommunity Sport Clubs chiri kufambira mberi.

“Vanhu vangataure nezvekusimudzira dzidzo kuburikidza nemitambo kana kuti kusimudzira zvemitambo asi chokwadi chiripo hazvisi nyore, kungotaura chete,” vakadaro.

VaMuchechetere vakamhura tsika inoitwa nemamwe masangano ezvemitambo yekusarura vana vekumaruwa zvinoita kuti vashaye mikana yekupindawo mumakwikwi akadai semaNational Youth games nekuda kwekuti nzvimbo dzavanogara hadzina nhandare dzakakodzero sezvinotarisirwa.

“Inyaya inosuwisa zvikuru apo vana vari kumaruwa vanotadza kupinda mumakwishu makuru akadai seemaNational Youth Games, vanogona mitambo asi nhandare dzavanotirena vari hadzina kukodzera uye hadziwirirane nezvinotarisirwa nemasangano emitambo.

“Tinoona kuti kuvakwa kwenhandare dzakawanda kuchavavhurirawo mukana wakakaura kuti varatidzirewo hunyanzvi hwavo zvinova zvakanaka,” vakadaro.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×