Kingstone Mapupu
MUDZIMAI wemakore 54 ekuberekwa uyo akanga aenda kunobatsirwa pane rimwe masowe rechechi yechipositori kuMbizo kuKwekwe akazorasikirwa nehupenyu hwake mushure mekunwiswa muteyo wakasanganiswa zvakasiyana.
Nyaya iyi yakaitika nemusi wa18 Chikumi apo Mai Micky Chuma vekuMbizo vakashanyira sowe iri nenguva dza7pm.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti muteyo uyu wakagadzirwa nedoro remasese ndokuvhenganiswa nefodya yebute zvainzi zvaibvisa mweya yetsvina kana munyama pamudzimai uyu.
“Mudzimai uyu paakanwiswa izvi akabva atanga kubatwa nemweya achikarara nekukiriridza. Vanamati ava vanonzi vaitungamirirwa nemaporofita avo vakazotora makate emvura ndokudira mudzimai uyu kusvikira atota muviri wese. Vakazomutora ndokumuendesa kunomudziisa pamoto apo akabva ashaikira,” vanodaro Insp Mahoko.
Zvinonzi vanamati ava nechinangwa chekuvanza nyaya iyi, vakazotakura mutumbi uyu ndokunouisa kumba kwemufi pamubhedha vachibva vaufukidza nemagumbeze.
“Mutumbi uyu wakazoonekwa naTafadzwa Matikiti mudzimai wemakore 42 okuberekwa uyo aigadzira mumba umu akabva aenda kumapurisa kunomhan’ara nyaya iyi. Pakazosungwa maporofita nevamwe vanamati vechechi iyi vanokwana vapfumbamwe pamwe chete,” vanodaro Insp Mahoko.
Vakasungwa ava vanosanganisira Charity Mafirowanda (46) wekuMbizo kuKwekwe, Talent Khumalo (42) wekuMbizo, Bongani Parafini (33) wekwaSabhuku Sotanyebo kwaMambo Malisa kuZhombe, Admire Makota (23) wekuMbizo, Ronald Mandiedza (24) wekwaSabhuku Chitsike kwaMambo Chiendambuya kwaRusape kuManicaland, Margret Zireba (21) wekuMbizo, Lyton Ndlovu (19) wekuMbizo, Arnold Mashiri (23) wekuRutendo kuRedcliff kuKwekwe naPauline Banda (33) wekuBroadlands kuSanyati.
“Vanamati ava vari muchizarira apo nyaya yavo iri kufambira mberi nekufeewa vachitarisirwa kuendeswa kumatare edzimhosva munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Insp Mahoko.
Mapurisa anokurudzira veruzhinji uyewo maporofita nen’anga kuti vasiyane netsika yekupa vanhu mishonga yavanogadzira voga yavasingazive kuti yakamira sei.
“Ikurudziro yedu neyambiro semapurisa kuruzhinji kuti iwo maporofita nen’anga vasiyane nekatsika kekupa vanhu mishonga kana zvimwe zvinhu zvisina kuongororwa nenyanzvi kuti hazvikuvadze vanhu here,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanotiwo varapi vechivanhu vanofanirwa kupihwa magwaro ekuita basa iri kubva kubazi reTraditional Medical Practitioners Council (TMPC).



