Vana vakaratidza matarenda avo

VADZIDZI kubva kuzvikoro zvinosvika 25 zvepuraimari nesekondari zvemuHarare svondo rapera vakawana mukana wekuratidzira matarenda avo mumitambo yakasiyana pasi pechirongwa cheAnnual School Festival.

Muhurukuro neKwayedza, mukuru anoona nezvechirongwa ichi, Mai Chido Musasiwa, vanoti zvakakosha kuti vana vechikoro varatidze matarenda avo mumitambo yakaita semadhirama, mbakumba kana Jerusarema.

Vanoti gore rino makwikwi aya akaitwa pasi pedingindira rinoti, “My journey begins now” iro rinokurudzira kusimudzirwa kwemitambo.

“Donzvo redu nderekuti vana varatidze matarenda avo, vasanyare nekuti vamwe ndipo panobva raramo yeremangwana ravo, kunyanya kune vaye vasingakwanise zvekunyora nekuverenga mabhuku,” vakadaro Mai Musasiwa.

Vakawedzera vachiti vanasikana vanofanirwa kutsigirwa mune zvemitambo.

“Vanasikana vanoda kusimudzirwa mune zvemitambo kuti varatidze matarenda avo. Mumitambo iyi, vana vanenge vachidzidzisana zvakasiyana zvakaita sekupanana chenjedzo pamusoro pezvirwere zvakaita seHIV neAids, matambudziko avanosangana nawo kana vakapinda muwanano vasati vabva zera nezvimwe,” vakadaro.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×