‘Haundirambe zvekumhanya’

Lizzy Mushoriwa —
MUMWE mudzimai akachema-chema mudare achiti ari kutyira upenyu hwake sezvo aimbove murume wake achigara achida kumubaya nebanga senzira yekumumanikidza kuti vadzokerane.

Pepertua Ndlovu akamhan’arira Gift Mulamulo kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

“Changamire, ndauyawo kuno kuti mundibatsirewo. Baba ava vandishungurudza. Anoramba kurambwa achiti ndikamuramba anondiuraya nebanga kana kundipisira mumba, hanzi ticharambaniswa nerufu,” anodaro Ndlovu.

Anoti Mulamulo ane tsika yekuenda kubasa kwake achimutuka.

“Anouya kubasa kwangu achindituka achiti haundirambe zvekumhanya saka ndave kutotya nekuti handichazive zvaari kufunga, anogona kungondiuraya,” anodaro Ndlovu.

Mulamulo anoti haapikisane nechikumbiro chaNdlovu chekupihwa gwaro redziviriro achiti kana iyewo anoda runyararo.

Mutongi Larzin Ncube akapa Ndlovu gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *