‘HAUNYARE, RUME GURU KUWETERA MUMAGUMBEZE’

Courtney Munodawafa
MURUME anogara kuKuwadzana, muHarare, akashaya pekupinda nenyadzi mudare apo akafumurwa nemudzimai wake kuti anoitira weti mumagumbeze.

Sandy Chitomba akaendesa Wellington Muzura kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

Chitomba anoti Muzura anomurova kana achinge audzwa makuhwa nehama dzake uye asina kumbomubvunza nyaya yacho.

Mutongi Tilda Mazhande akapa Chitomba gwaro rinomudzivirira.

“Uyu murume wangu wemakore 16, asi anondirova nezvibhakera muviri wose. Anondituka nezvinyadzi pamberi pevana achindityisidzira nerufu.

“Akadira hembe dzangu acid zvekuti tiri kutadza kugara pamba zvakanaka. Apa baba ivava vanoitira weti mumagumbeze,” anodaro Chitomba.

Muzura anoti haapokane nechikumbiro chemudzimai wake asi haadi kushungurudzwawo.

“Handipokane nazvo, asi iye ngaasandishungurudza. Ngaaregere kuuya nezvikomba zvake kwandiri, handiti ataura kuti haachandida? Ndakaona meseji kubva kuchikomba chake ndikabva ndadira hembe dzake acid. Handiite weti mumagumbeze ini,” anodaro.

Chitomba anobva amugamha achiramba kuti ane zvikomba.

“Inga wani mudzimai akaita chipfambi anorambwa, dai chiri chokwadi wakandiramba. Ndiri kutoziva kuti tichibva pano chinenge chakatochaya, akanditi handisvike zuva redare remendenenzi ndiri mupenyu. Handisi kutoenda kumba,” anodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *