Highfield 2 High yotenda van

SHASHA dzemuchikoro nedzemitambo pamwe nevarairidzi vepaHighfield 2 High School, muHarare, svondo rapera vakapembedzwa nekupihwa mibairo.Vachitaura pachiitiko ichi, VaDouglas Magonya, avo vanove sales and marketing manager kukambani yeBakers Inn uye vaive muenzi anoremekedzwa, vanoti zvakakosha kuti vana vanenge vabudirira vapihwe mibairo sezvo izvi zvichipa vamwe shungu dzekudzidza nesimba.

“Iyi inzira yekuvandudza dzidzo. Kubudirira hazvirevi kunyora nekuverenga chete, tinoda kurumbidzawo shasha mune zvemitambo. Vane matarenda akaita sekutamba nhabvu nekumhanya izvo zvinoita kuti vagone kuwana raramo mune remangwana ravo,” vanodaro VaMagonya.

Chikoro ichi, icho chiri mudunhu reHigh Glen District, nguva yadarika chakakumba mibairo kumakwikwi emitambo yakaita sekumhanya, basketball nevolleyball.

Vachitaurawo, mukuru weHighfield 2 High, VaTapfumanei Chitsa, vanoti pachikoro chavo ndipo pane shasha yemutambo wechess yevechidiki, Panashe Chimbwa, uyo akamiririra Zimbabwe kumakwikwi akaitwa kuPort Elizabeth, kuSouth Africa muna Nyamavhuvhu.

Chimbwa akasarudzwa zvakare kuti anokwikwidza kumakwishu eWorld Ranking Chess Competition mumwedzi waZvita kuLusaka, kuZambia.

Vanokurudzira vana vechikoro kuti vashande nesimba muzvidzidzo zvavo.

“Dzidzo inhaka isingawore kana kupera. Bhuku ngarive shamwari yako yekutanga, vana vechikoro ivai nenguva yekuverenga kutamba moita kushoma. Zvakare totenda vabereki vari kukwanisa kukubhadharira vana mari dzechikoro,” vanodaro VaChitsa.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *