Hokoyo nemapurisa anoshanda nembwa!

CHIKAMU chemapurisa eZimbabwe Republic Police chinoshanda nembwa chakarumbidzwa nekusevenza kwachiri kuita mukurwisa kuparwa kwemhosva pamwe nekuchengetedza nzvimbo dzakakosha uye gore rino bedzi, chakabatsira mukusungwa kwembavha 3 205.

Rumbidzo iyi yakaitwa nemukuru wemapurisa anoona nezvekudzivirirwa kwekuparwa kwemhosva, Commissioner Solomon Mubatapasango, svondo rapera kuZRP Canine Training School, muHarare pakupedza zvidzidzo kwemapurisa 12 anoshanda nembwa.

Pamapurisa akapedza zvidzidzo aya, 10 vaive vanhurume, vaviri vari vanhukadzi uye vakaita zvidzidzo izvi kwemavhiki 13.

Comm Mubatapasango vakati zvinhu zvaive zvabiwa kubva pakutanga kwegore rino kusvika pari zvino, izvo zvakawanikwa kuburikidza nekushanda nesimba kwechikamu ichi, zvinokosha $110 322.

“Ndinonzwa mufaro mukuru kuona kuti chikamu chemapurisa anoshanda nembwa chiri kuita basa racho nemazvo kunzvimbo dzakaita semigodhi kuChiadzwa,” vakadaro.

Vakati kushanda nembwa mukurwisa kuparwa kwemhosva kunoda kuzvipira pamwe nekuve nemoyo murefu. Comm Mubatapasango vakati mazuva ano mbavha dzave kushandisa nzira dzine huchenjeri hwepamusoro mukupara mhosva, nekudaro mapurisa anofanira kugara akangwarira.

“Mbavha nemakororo vave kuba zvine hungwaru uye vaine zvombo zvinokuvadza nekuuraya. Nekuda kweizvi, mapurisa edu ari kushanda nembwa mukubata mbavha vanofanira kugara vachizviziva uye vakagadzirira,” vakadaro.

Comm Mubatapasango vakati zvakakosha kuti chikamu ichi chisvike panenge paparwa mhosva nechimbi-chimbi sezvo izvi zvichibatsira nekuti umboo hunenge huchiripo, izvo zvinoita kuti imbwa idzi dzikwanise kuronda vapari vemhosva. Vakakurudzira veruzhinji kuti vachimbidze kumhan’ara kumapurisa kana pachinge paparwa mhosva.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×