Kana mbuya yashatirwa . . .inoparadza midziyo, ichitukirira sekuru

CHEMBERE yekuendeswa kudare nemurume wayo ichinzi inomutukirira ichipunza midziyo yepamusha kana yashatirwa, yakapupura kuti inoita mhirizhonga iyi senzira yekutsiva kutadzirwa kwainenge yaitirwa sezvo dzimwe nguva ichimbosiya yakiirwa mumba.

Genious Kapitapita akamhan’arira mudzimai wake, Jeniffer Kapitapita, kuHarare Civil Court achiti anoita sekunge akagarwa nemweya wetsvina kana agumbuka.

“Changamire, amai ava vanopunza zvinhu kana vatsamwa zvekutoti zvinhu zvizhinji zvakaparara. Kutaura kuno pamba pangu hapana mahwindo, vakaapunza zvese nerimwe gonhi. Ndakamboendesa nyaya iyi kuvabereki vake asi hazvisi kushanda,” akadaro Genious.

“Akabata kunditukirira unoti handina kumboita vana naye nekuti mashoko acho anenge ari magaramoyo. Vana vedu akavadzinga pamba kuti andishungurudze, handizivi kuti ndiko kuchembedzana kwacho here?” Achipawo divi rake, Jennifer akabvuma mhosva yaaipomerwa nemurume wake achiti kumutuka kwaaita ndiyo bedzi nzira yaangagone kushandisa kutsiva kurwadziswa kwaanoitwa naye. Jennifer akati: “Ehe, ndinomutuka nekupunza zvinhu sekutaura kwaari kuita kuti apfidze nekuti akandirwadzisa kubva ndichitanga kugara naye. Vana ava (achiverenga zvigunwe zvitanhatu) asingandiratidze payslip yake ndichikwangwaya asi mari ainayo. Yava nguva yakewo.

“Ndakapunza gonhi nekuti ndakanga ndakiiwa neweti husiku iye asiya andikiira achienda kupfambi dzake.

“Mahwindo ndakapunza futi ndatsamwa kuti anonoka kuuya achiti anenge ari kupfambi yake. Hazvisi zvinhu zvinonakidza kunzwa izvozvo. Ndiri kubvuma handirambiba.”

Mutongi Barbra Masinire akati Jeniffer asashungurudze murume wake nemashoko kana kupunza midziyo asi kutaurirana nekugarisana murunyararo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×