‘Hongu, wakandibata nechikomba, asi . . .’

Yvonne Chipato
MUKADZI wekubatwa aine chikomba ndokuedza kutanda nyadzi, kuburikidza nekushandisa dare kuti apihwe gwaro redziviriro kubva kumurume, akashaya pekupinda apo chikumbiro chake chakaraswa.
Memory Kabare ainge amhan’arira Mugove Kamubela kuHarare Civil Court achiti aoneswa pfumvu nekushungurudzwa.

“Murume uyu akandidzinga paimba yedu yemuchato ndisina kana nechekubata, kana hembe chaidzo akasara nadzo. Asi zvino ava kunditeverazve pese pandafamba achinditukirira. Ndinokumbirisawo kuti dai dare randibatsira kuti asandishungurudze.

“Zvakare ndinoda kudzokera kunogara pamba pangu paakandidzinga sezvo imba yacho takatenga tose. Hongu, akandibata ndiine chikomba asi izvozvo hazvimupe simba rekundidzivisa kuti ndigarewo pamba pangu patakavaka tiri tese,” akadaro Kabare.

Achipawo divi rake, Kamubela akati haawirirane nechikumbiro chaKabare chekuti apihwe gwaro redziviriro sezvo asingamushungurudze.

“Mukadzi uyu ndaigara naye zvakanaka uye ndaimupa rudo rwangu rwose.

“Asi ndakazoona kuti akanga ava kufamba zvisina kunaka ndikatsvaga munhu aimutevera kwese kwaafamba ndikawana umboo hunobatika kuti akanga ava kuita zvechipfambi. Ndakashevedza hama dzake tikayananiswa ndikamuregerera, tikagara zvedu zvakanaka.”

“Rimwe zuva ndakakasira kudzoka kubasa ndikawana mukadzi uyu akarara nechikomba muimba yedu yewanano. Neshungu, ndakaenda naye kumba kwatete vake sezvo ndakanga ndisisakwanisa kugara naye. Zvake zvekuti ndakamudzinga pamba anondinyepera, ndakamuendesa kuvabereki vake nekuti ndakanga ndisisakwanise kugara nemukadzi ane chipfambi chakadaro.

“Handimushungurudze kana nenzira ipi zvayo zvakare handisati ndataura naye kubva musi waAugust (Nyamavhuvhu) 6 2014 pandakamusiya kuhama dzake ndamuwana akarara nechikomba mumba mangu,” akadaro Kamubela.

Mutongi Barbra Masinire akati pakanga pasina umboo hunoratidza kuti Kabare aishungurudzwa naKamubela, nekudaro chikumbiro chake chakaraswa.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×