‘Mukadzi anoda kundibaya nebanga’

Arnold Kaseke
SAMUSHA wekugarooneswa ndondo nemukadzi waakarambana naye akazonopotera kudare achiti anoda kubaiwa nebanga.
Godfrey Rozhani akaenda kuHarare Civil Court achida kudzivirirwa kubva kuna Telmore Jera.

“Ini nemukadzi wangu takagara tese kwemakore asi takazorambana gore rapera nekuti mukadzi wangu uyu anogarondishaisa rufaro uyezve ane pamuromo. Tiri muco-operative imwe chete inoita nezvekuwanisa vanhu pekugara saka iye anoti takabatsirana kuvaka imba yangu asi inhema.

“Anosvika pamba pangu kunge anogarapo, orova mukadzi wangu obva aburitsa banga achida kundivhiya. Ndanga ndichikumbirawo kuti mukadzi uyu asatsike pamba pangu uyezve asagare achindishungurudza pese patinopesana mumigwagwa,” akadaro Rozhani.

Jera haana kuuya kudare.

Mutongi Gamuchirai Siwardie akapa Rozhani gwaro redziviriro ndokuti Jera haabvumidzwe kusvika pamba apa kana kumushungurudza nenzira ipi zvayo.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×