‘Huchi hune mari’

Malven Mugadzikwa

MURIMI anove shasha pakupfuya nyuchi wekuMazowe, kudunhu reMashonaland Central anoti kuchengeta nyuchi ibhizimusi riri nyore uye rinopa pundutso muhupenyu.

Mikoko yenyuchi

VaAnderson Chibatauta vanoti veruzhinji vanozeza kuchengeta nyuchi dzekuti vamore huchi vachitya kuti dzinozovapandukira dzovaruma.

“Veruzhinji vanotya kuchengeta nyuchi vachiti dzinoruma asi kuchengeta nyuchi unenge wagadzira mari yako zviri nyore. Varimi vanofanira kutora kuchengeta nyuchi sebhizimisi hombe,” vanodaro VaChabatauta.

Murimi uyu anoti kuchengeta nyuchi kunoda hunyanzvi sezvo vamwe vachirasikirwa nemukana uyu nekusagona kudzichengeta zvakanaka.

Vanoti nyuchi dzinoda kuchengeterwa panzvimbo iri pedyo nemvura, inotonhorera uye ine nemiti nemaruva.

“Mikoko yenyuchi inoda kuiswa panotonhorera uye pedyo nepadzinowana mvura. Kutonhorera uku kunobatsira kuti dzigadzire huchi dzisingapisane uye kuti mazinga ehuchi asadonha nekuda kwekunyanya kupisa kunenge kuchiita kunze nemumukoko macho,” vanodaro.

VaChabatauta vanoenderera mberi vachiti, “Huchi hune mari pakuti hunokwaniswa kumorwa kaviri pagore kubva munaKubvumbi kusvika Chivabvu uye kubva munaGumiguru kusvika munaMbudzi. Mukoko mumwechete muhombe unobuditsa huremu hwehuchi hunobva pa10kg kusvika ku20kg zvichienderana nekuwanda kwenyuchi dzacho uye kuti dziri pedyo nemaruva nemvura zvakadii. Kazhinji, pakutengesa huchi hunoita $45 pakirogiramu imwechete kana murimi achihodhesa kune vanozotengesawo.”

Vanoti pane mikoko yenyuchi panofanira kugara pakachena pasina sora nekuti rinogona kuzoshandiswa nemasvosve senzira dzekukwira nadzo kupinda mumukoko.

Vanoti pakugadzira mukoko, varimi  vanokurudzirwa kuisa oyiri pamakumbo esimbi kana matanda anenge akagarirwa nemukoko senzira yekudzinga masvosve netumwe tumbuyu tungada kupinda mumukoko wenyunchi.

“Nyuchi kana iri mumukoko ikarumwa nesvosve inotanga kuita ruzha mumukoko imomo zvovhiringidza dzimwe nyuchi pakugadzira huchi,” vanodaro

VaChibatauta vanoti huchi hwakanakira zvinhu zvakawanda zvinosanganisira kurapa zvirwere zvakasiyana-siyana zvakadai sechikosoro. Vanotiwo vamwe vanodya mazana ehuchi uye anorapawo zvakasiyana.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *