Hudhomu-dhomu neruzha

HANDIZIVE kuti kwenyu makapinda muGoredzva chirudzii, asi kwangu kwandinogara kwaingove nehudhomu-dhomu hwezviputi-puti nezvivai-vai. Dhomu, dhomu, po po po, dhomu, dhu, dhu, dhu, kwa kwa kwa gu gu dhuu!

Hunyerenyere hwemavara akasiyana-siyana hwakazadza denga hukasiya marutsi ehutsi nekupazha kweruzha zvasvibisa denga nenzvimbo yese. Zvegore rino zvanga zvakanyanya.

Goredzva rakanga riri rekuputitsa nekuputika zvekuti handizive kuti tikabatanidza zvakaputitswa muHarare yese panobuda mari yakawanda sei ivo vanhu vachichema kuti zvinhu zvakaoma.

Ndiko kufara. Nyangwe ukaenda kubhawa unogona kushamisika neshasha iri kutenga doro nekugocha nyama asi kumba mukadzi nevana vasina chekudya. Asi nyangwe kwakanga kuri kufara, vashoma vandakanzwa vachiridza maredhiyo avo sezvatinosimboona zvichiitika.

Hudhomu-dhomu hwezviputi-puti nezvivai-vai kwandinogara hwakanyaradza maredhiyo, uye hwakaramba huchiitika kwenguva refu zvekuti kana ndiri seni hwakapedzisira hwave kundikanganisa runyararo nerugare rwangu.

Ndiko kushanduka kunoita zvinhu pamwe chete nenguva sezvakareva mukoma wangu Charles Mungoshi kuti ndiko kupindana kwemazuva. Hudhomu-dhomu hwezviputi-puti hwakandifungisa nguva yehondo paimborira pfuti zvikuru zvekuti vanhu maitadza kurara nekutya.

Mhemberero chinhu chakanaka kana pasina kutukana kana kurwisana, asi ini kana ruzha rwukawandisa ndinozonzwa sekunge mbeva yapinda mumwena yakamirirwa panze nemabonza, apa ichinzwa kuti iri kucherwa kuti igodyiswa sadza. Ruzha, ruzha, ruzha. Ruzha rwekumirira Goredzva rwakanditangira mufoni. Akauya auyazve mashoko ekutaura zveGoredzva.

Asi zvinoita hupenyu, panguva iyoyo yakanga ichitumirana vanhu mashoko nemapikicha, vamwe vachigadzirira kuputitsa zvidhomu dhomu, pane akanga achinwa hwahwa hwake hwekupedzisira, nekutumira WhatsApp yake yekupedzisira.

Patinofarira kupera kwegore nekutanga kwerimwe, dai taimbofunga iye akasika denga nenyika, Jehovha. Dai taifunga nezvake anoshandura nguva nemwaka. Nekuti kuSouth Africa muHillbrow chaive chipata-pata vanhu vachitiza kuenda kunzvimbo dziri kure.

Chikonzero vakanga vachitiza kuuya kwegore idzva nerufu rwunouya nekuuya kweGoredzva.

KuHillbrow vanhu vanofarisa nekuda kwegore idzva zvekuti vanosaidzirana kubva patumavhuranda nepamahwindo emu 6th floor yedzimba dzemafulatsi. Havasi vanhu chete vanosaidzirwa, asi kufarisa kwavo kunovaita kuti vasaidzire nyangwe mafiriji, matebhuru nemibhedha zvichiti wiri-wiri-wiri bho-o mumigwagwa iri pasi.

Ikoko kuHillbrow, mapurisa ane pfuti nezvombo zvekuzvidzivirira vanenge vachifamba-famba mumigwagwa kuti vadzivirire kufarisa kunosvika pakupedza hupenyu uku.

Kumwe kufara kwatinoita nezviitiko zvenyika kunotyisa. Kufarira Goredzva kunge tapinda mudenga raJehovha uye tave kuzorarama nekusingaperi.

Ndakanzwa vazhinji vachishevedzera kuti tapinda tapinda. Asika kupinda mugore idzva hakusi kupinda muhupenyu husingaperi.

Goredzva inguva, kufanana nesvondo nemwedzi, naizvozvo rinopera. Kune vakatopererwa naro vachangoripinda. Zvino kana wanga wati wapinda, asi iwe usina kupinda uchiziva Jesu, wobva wafa, ziva kuti kwaunenge wave kuenda hakupindwe zvekumhanya. Nekuti kudenga ndiko kunoimbwa kuti, “Nero zuva pamibvunzo . . .”

Mberi uko hakupindwe nemuromo uzere manyemwe sekupinda kwatinoita mugore idzva tichipotsera masofa, mafiriji nevanhu sezvinoitwa kuHillbrow. Kana uchinge wapinda muGoredzva saizvozvi, mubvunzo wangu unoti, “Chii chakasiyana nechawakanga uchiita nehupenyu hwako gore rakapera chauchaita gore rino kuti ufadze Mwari?” Kupinda muGoredzva kunouya nemanyemwe, asi ziva kuti kupinda muGoredzva ipromotion. Promotion inoreva kukura. Iwe wakura here? Usakure musoro, asi kura pamweya.

Tsvaga Jehovha achawanikwa nekuti nguva iri kupera.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×