GRADE 7: Zvinodiwa kuti mwana azive

Ticha Danga
TAKACHINGAMIDZANA zvakapfuura, tikarairana zvikapera. Iye zvino tava kupinda mudingindira rezvidzidzo zvedu zvatichafamba nazvo kusvika tapinda mubvunzo dzemuna Gumiguru.

Gore richitanga kudai tatopinda, tavamo uye tarumurwa kubva mugwaro rechitanhatu. Tinofanirwa kutanga nekuziva zvatiri kuvavarira. Mushandi achienda kubasa zuva rega rega anotarisira mubhadharo une mwero uye waanoziva. Naizvozvo mwana wechikoro achibva kumba achienda kuchikoro anofanirwa kutarisira goho rine mwero.

Ndinoda kutanga nekuzivisa vana kuti bumbiro (syllabus) rezvidzidzo zveShona repuraimari rine vavariro yei. Bumbiro iri rine vavariro yekuvandudza umhizha hwemutauro hwevana mukuteerera, kutaura, kuverenga nekunyora kuitira zvinangwa zvakasiyana-siyana .

Bumbiro iri rine vavariro yekuti vana vaturirane nevamwe vavo nemazvo mumaitiro akasiyana-siyana. Rinoshuvira kuona nekuvaka vana vane tsika yekufarira kuverenga zvinyorwa zvakasiyana zvakanyorwa neShona.

Imwe vavariro huru yebumbiro redzidzo yeShona kupuraimari ndeye kuvandudza nekurera muvana chido chekuyemura mutauro wavo kuitira kuzvisimudzira ivo pachavo nekuchengetedza tsika nehunhu hwavo.

Vavariro huru yekupedzisira ndeyekuvandudza humhizha hwevana hwekufunga zvakadzama pamusoro penyaya dziri kuitika nedzinonyuka mudzinharaunda nedzinenge dziri misoro yenyaya mazuva ano.

Vavariro dziri pamusoro dzinodudza dzega kuti Hurumende ine chinangwa chekusimudzira chiShona kuti bvunzo iri ndiro richavhura kana kuvhara mikana yeupenyu hwako hwamangwana. Naizvozvo bumbiro reShona rine zvinangwa zvaro zvebvunzo.

Zvinangwa zvebvunzo ndezvinoti, pakupera kwemakore manomwe ezvidzidzo zvepuraimari vana vanokarirwa kugona:

(a) Kunyora tsananguro, rondedzero kana tsamba vachiratidza umhizha hwavo hwepfungwa dzakadzama mukurondedzera kana kutsanangudza ruzivo rwezviri kuitika mudzinharaunda dzakasiyana-siyana.

(b) Kunyora nenzira yakakodzera zvichienderana nenyaya inenge ichidiwa.

(c) Kuratidza hunyanzvi hwekuronga nekunyatsounganidza pfungwa mundima uyewo kushandisa zvimiso zvakakodzera.

(d) Kunyora vachishandisa mutauro wakakodzera, kuperetera zvakanaka nekushandisa zvimiso zvakakodzera.

(e) Kuratidza kunzwisisa zvinyorwa zvaunenge waverenga kuburikidza nekupindura mibvunzo yenzwisiso.

(f) Kunyora zvakanaka zvakachena uye zvinoverengeka.

Bumbiro rakakosha nekuti ndimo munobva bvunzo dzacho. Mwana wese anotarisirwa kugona kutevedzera zvese zviri mubumbiro.

Anotarisirwa zvakare kuita nemazvo zvinangwa zvebvunzo. Izvi zvakakosha nekuti ndizvo zvinotariswa nevakwenyi vebasa kuti mwana atevedzera here. Mhosva dzose dzinoitwa nevana dzinobva mukutadza kwavo kutevedzera zvinodiwa pabvunzo.

Mukuedza kuwedzera ruzivo rwevana tichange tichitarisira nemapepa iwaya eShona ari maviri kuti renzwisiso nerondedzero kozoitawo renzwisiso nemibvunzo. Chikuru chinofanirwa kugonekwa nemwana kuverenga nekuti akasagona kuverenga chagonekwa hapana.

Chimwezve chikuru kurima rudo rweShona mumwana kuti agoisa simba nechido pakudzidza Shona.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×