Mhosva dzekurasa marara

neveEMA
SANGANO rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda, reEnvironmental Management Agency, rinoti riri kuenderera mberi nechirongwa chekusungisa vose vanoonekwa vachirasira marara munzvimbo dzisina kukodzera.

Gore rapera EMA yakasungisa nekubhadharisa faindi vanhu vanosvika 1 600.

EMA inoti kubvira pakupera kwegore radarika kusvika pari zvino, yasungisa pamwe nekubhadharisa faindi vanhu 376 muHarare bedzi avo vakabatwa vachirasira marara pasina kukodzera.

Pasi pemutemo weChikamu 83 cheEnvironmental Management Act, imhosva kurasira marara panzvimbo isina kufanira uye isiri bhini.

Kurasa marara nepahwindo remota kune vose vanofamba nedzimotokari hakubvumirwe zvakare.

Mumwe mutemo weStatutory Instrument 6 unoti mota dzose dzinotakura voruzhinji, kusanganisira mabhazi nemakombi, dzinofanira kuva nemabhini kuti vafambi vawane pokurasira marara.

Mhosva dzose idzi dzine muripo we$20.

Mazita anotevera ndeevamwe vakasungwa muHarare gore rino mushure mekurasira marara pose-pose:

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×