Hurema hazvirevi kukundikana

Musikana oita zvishamiso pakudzidza

MUSIKANA akaremara mitezo, uyo anove mupfupi zvikuru, akahwapura mubairo mukuru wepasi rose wekuve nezvivindi zvekutsetsenura nhoroondo yeupenyu hwaari kurarama semunhu akaremara.Sinikiwe Kademaunga (23) akahwinha mubairo weCourage Award Zimbabwe International Women’s Award (ZIWA) uyo unotsigirwa nerimwe sangano rekuUnited Kingdom.

Kademaunga akarondedzera upenyu hwaari kurarama zvine hudzamu padandemutande rake rinoti sinikade.blogspot.com izvo zvakaita kuti ahwine mubairo uyu.

“Sangano reZIWA riri kuUK rakandiwanisa mubairo mukuru uyu mushure mekudzidza nezvangu paBlog. PaBlog iri, ndakange ndichitsanagura nezveupenyu hwangu hwandairarama ndichichengetwa naambuya semunhu akaremara.

“Ndaitsanangura matambudziko nekufara kwangu, saka vakaona zvivindi zvangu zvekugona kutsanangura upenyu hwangu pane kuti ndinge ndichinyorwa nezvangu nevamwe vanhu,” anodaro Kademaunga.

Anoti kazhinji, vanhu vakaremara vanonyara kutaura nezveupenyu hwavo nekuda kwenyaya dzerusarura idzo dzinowanza kuwanikwa munharaunda dzavanogara.

“Saka vanotosarudza kurarama upenyu hwavo hwakahwanda uye vasingadi kuti huve nechekuita nevanhu vasina kuremara. Saka kuburikidza nekutsetsenura kwandakaita nezveupenyu hwangu, ndakaratidza zvivindi zvisina vazhinji,” anodaro Kademaunga.

Anotizve akave nepfungwa yekutanga dandemutande iri gore rapera mushure mekunge apinda musangano mukuru pazuva rekucherechedza vakaremara, reInternational Day of Disability.

“Pazuva iri, ndakawaniswa mukana wekuti ndikurukure pamberi pevanhu maringe neupenyu hwangu. Mushure mukunzwa nhoroondo yangu, vanhu vaivepo vakandikurudzira kuti ndinge ndichinyora bhuku saka ndakabva ndafunga kuti ndiise paBlog kuitira kuti zvisvike kuvanhu pasi rose.”

Pari zvino Kademaunga ari kuita dhigirii rekushanda neveruzhinji (Degree in Social Work neUniversity of Capetown, kuSouth Africa.

“Ndakadzidza kuSt Faith Mission, kwaRusape, uko ndakaita Form 4 yangu ndikabuda nezvidzidzo 8 zvaive nemaA matatu, maB mana neC rimwe chete. Ndakaita zvakare A-Level pachikoro chimwe chete ichi ndikabuda nemapoinzi 10,” anodaro.

Kademaunga anoti mushure mezvo ndipo paakawana bhezari rekuti anofunda kuSouth Africa. “Ini kana vanhu vakanditarisa kudai, vanondinzwira tsitsi nekuti vanenge vachifunga kuti pamwe handigoni kufamba, kubika, kugeza kana kunyora. Asi zvose izvi ndinoita ndichishandisa mitezo iyoyo yakaremara. Ndinonyora, ndinoverenga, ndinoshandisa kombiyuta kana nharembozha yangu ndinotoiburitsa mubhegi ndoita zvose sekutarisa matsamba angu paWhatsApp nekuapindura,” anodaro

Anoenderera mberi achiti: “Zvishoma kwazvo zvandinoda kubatsirwa nazvo zvakadai sekuchererwa mvura kana isipo papombi.”

Musikana uyu anoti mamwe matambudziko avanosangana nawo sevanhu vakaremara mitezo ndeezvivakwa zvinenge zvisina kuvakwa nenzira yekuti vange vachikwanisa kupinda kana kusvika pazviri.

“Zvivakwa zvizhinji kana motokari dzinogadzirwa hazvienderane nezvinodiwa nevanhu vakaremara zvinoita kuti tikundikane kupinda. Semuenzaniso, ndinogona kuwana basa pakambani isina ma’elevator’ saka zvinotoreva kuti handitoendi kubasa kwacho nekuti handikwanisi kukwira masitepisi. Zvimbuzi nemisiwo kana zvisina kugadzirwa zvakaderera kuti ndikwanise kuzarura idambudziko,” anodaro.

Anoti zvakare mamwe makambani haadi kushandirwa nevanhu vakaremara.

Kademaunga anotiwo munyaya dzewanano, vanhu vakaremara vanosangana nerusarura rwakanyanya izvo zvinoita kuti vagumisire vave kuroorana pachavo. “Pamwe pacho unogona kuwana mukomana anokuda zvakanyanya asi paanoenda kunokuratidza kuvabereki nehama dzake, unogona kutonzwa vachiti, ‘Unomudii munhu akadai? Anokubarira sei vana kana kukubikira?’ Izvi zvinoreva kuti nyaya dzerusarura dzichakadzika midzi zvinoita kuti tirambe tichideredzerwa muupenyu nemagariro.”

Zvakadaro, Kademaunga anoti zvisinei nekuti vabereki vake vose vakashaya, anofara nekutenda rutsigiro rwaari kuwaniswa nehanzvadzi nemuroora wake avo vanomuchengeta.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *