. . . iwe 2017 wouyawo zvakanaka
MUSI uno chaiwo ndakanyora ndichitambira Goredzva ra2016, asi nhasi uno ndave kutoti sahwira 2016, vakaonana, havashayane; aziva kwake, aziva kwake; chindisiya ndigamuchire mumwe wako ave kugugudza uyu — 2017!
Handizivi kuti akagukuchirei.
Sokuseka, gore riya ramakanzwa, kuona, kuita nokusaita zvakasiyana-siyana ratopera.
Idzva rinopisa-pisa riri kuburwa musi weSvondo. Munovaziva kuti vanhu havana kana ganda kumeso.
Kana muchida kuzvionera nokuzvinzwira, huyai mega musi weSvondo muvanzwe vave kutopemberera kuti kwave neGoredzva musi wa1 Ndira, 2017.
Vanenge vachiita nekachiRungu, nekachiRungu unonzwa vachikorokotedzana kuti, Happy New Year, nokuti chapera-chapera, musongora wehuku. Zvakaoma, 2016 vanokusema kunge vasina kumborarama mauri.
Asi, dzikamisa hana nokuti hunhu hwavo. Vanhu vane hanganwa dzinenge dzaamai vanosiya mwana wavaradzika pasi pomuti vachisakura, vakotonoka, havo kumba, pfungwa dzave kuhuni nokunochera mvura. Asi mwana wavakatakura mwedzi mipfumbamwe asara achitandadzwa nemasvosve nemazongororo, ari mumagumbeze imomo.
Vave pakati penzira, wozoona mawoko ave kutsvanzvadzira kumusana, kutsvaga mwana, kwave kudzokera pasi pomuti hana ichiridza ngoma, kutya kuti kana ndikamushaya, ndinonoribika ndikaridya? Kwave kutorambwaka uku? Ndinoti mwana adyiwa nei?
Musi weSvondo, 1 Ndira 2017, vanenge vachashoshoma vachikorokotedzana kuti, “Vapinda, vapinda!”
Vamwe ndivo vanenge vachiimba kambo kaya kaSimon Chimbetu “Tenda wariona!” Vanenge vakanzwa nahwo hwahwa, unonzwa kuita manyemwe: “Tapinda, tapinda! Hatina kupinda neback door, asi yanga iri feya feya. Happy New Year!”
Rega zvako ndikurume nzeve 2016! Vanokusema nokukuramba kunge usina kuvafambisa mazuva ako ese ari 365. Hauna kana rimwe chete rawakachirika!
Hongu pakati apa, pane vazhinji vakatsauka vachienda kwamupfiganebwe, asi musi wa1 Ndira uchaimba “Chimene changu mambo, kudyirwa munda ne’mbwa, sendakarima nyama, ini ndakarima zviyo.”
Ndohunhu hwavo vanhu, vakazvarwa vakadaro, asi pasina nguva, vanenge vave kukurangarira zvakare.
SemaBond Notes, ndiwo auchafira hama yangu 2016, nokuti kune vamwe vatove saJobho uya womuBhaibheri akazoti arwadziwa akatuka zuva raakazvarwa: “Zuva rokuberekwa kwangu ngariparare, uye nousiku hwakanzi, ‘Kwaberekwa mwanakomana!’ Zuva iroro ngarishanduke rive rima; Mwari wokudenga ngaarege kuva nehanya naro; chiedza ngachirege kuvhenekera pamusoro paro.” (Jobho 3 vhesi 3)
Vanodaro, asi mwoyo uchingoshuva kuti upinde mugore ra2017. Pavakakugamuchira 2016, zvakaita kunge 2015 asina kumbobvira avepo zvachose.
Kana newe 2017, igaroziva, kuti uchanzarwowo, kana 2018 asvika.
Unokanganikwa, ugotukwa zvokutukwa zviye. Saka 2017, uti fare-fare, tindike!
Newewo Zvita 2016, wave kupeta gore, ziva kuti wakatukwa zvichinzi Kirisimasi yacho inonakidza sei pasina mari, zvokuti kana kunoona hama kumamisha ratove dambudziko?
Zita rako rawaizivikanwa naro rokuti Jonasi/Bhonasi, vakatora varidzi varo.
Asi chirega uone 2016 hama yangu. Handiti vasara netwumazuva twushoma-shoma kuti vapinde muGoredzva? Iye Ndira 2017 wavakatarisana naye haasi kuzviziva kuti akatopihwa mhosva gumi nefararira dzaasina kupara.
Kubva musi wa2 Ndira anetenge ave nezita rechiRungu rokuti January Disease! Anopihwa zita irori navanhu vakakakaradza pahuro pachinge pachatsemuka vachidaidzira, “Tapinda, tapinda; Happy New Year!”
Ko, chaipa chii zvakare? Rwabiwa nani rufaro? Mwedzi unozvondwa nokutukwa, ivo vanhu vakadya mari kunge mangwana asisauye?
Vamwe kupedzisira vave kutora yezvimbadzo, apa vari kudya mari yevana vechikoro, mari yokuterera imba namagetsi, mari yechikafu, mari yokuendesa kubasa.
Senge iyoyi yavakazoti “plastic money” inoita kunge inotatamuka, kana uchingoti pese pawasvika — muno‘‘swiper” here?
Mabhangi acho anoita kunge anopa zvamahara, asi pasina nguva, unozoona zvimichina zviya zvave kuti: “insufficient funds”, kureva kuti baba, amai kana vahanzvadzi, mungade zvenyu kuitetena, asi kubhangi dura makatsvaira. Makadya mukakanganwa mangwana.
Aiwa, tave kuripedza! Chakakosha ndechokuti upenyu hwatakapihwa gore rino, nazvese zvatakaropafadzwa nazvo naNyadenga, takazvishandisa kusimudzira zita ravo, kwete kungove vanhu vanogarogunun’una chete.
Zvaigoneka, takazvigona zvakanaka here? Zvatakatadza, chii chakatitadzisa? Tikawana mumwe mukana, tinokwanisa here? Vanoti wakatichembedza, kunyepa kwavo!
Kusimudza upfumi ndiyo nyaya huru yatiri kupindana nayo muna 2017. Tinahwo here hurongwa hwokuti tichabatawo pedu kuti nyika ipunduke, kana kuti tichaita savaya varimi vari kupihwa zvokushandisa neHurumende, asi kunze kwokurima mvura ichinaya kudai, vave mubishi rokutengesa, mangwana vochema nzara zvakare?
Zvatakarongera gore ramangwana tinazvo, asi tave kuonekana newe 2016, tinoti, aiwa, wakafamba nesu: mune zvinofadza, mumarwadzo kana zvinochemedza. Shanje dzako dzakaita kuti usatisiye tiri tega.
Chisara mune zvakanaka, nokuti zvanzi chitundumusere-musere chakatakura mwenga anonzi 2017 chave kuda kumhara.
Vaverengi veKwayedza, munodadisa Mukwende samakore matsva nematsaru. Ivai neGoredzva rizere nezvidhafu-dhafu!




