Hurumende ichawedzera mari yeZiG mumusika

Sikhulekelani Moyo

HURUMENDE iri mushishi kuvandudza kufambiswa nekuwanikwa kwemari yeZimbabwe Gold (ZWG) zvichitevera kuchema-chema kuri kuita veruzhinji pamusoro pekushomeka kwemari yemuno mumusika, vanodaro Gurukota rezvemari nekusimudzirwa kwehupfumi, Professor Mthuli Ncube.

Izvi zvinotevera kuunzwa kwemari yemuno yakatsigirwa negoridhe munaKubvumbi gore rapfuura senzira yekutsiva mari iyo yakange yave kupera simba.

Mari itsva iyi iri kutaridza kuti zvinhu zviri kuendeka uye izvi zvinotevera kudzikama kwehukoshi hwemari mumusika pamwechete nemitengo yezvinhu.

Nyaya yekuti mari yeZiG iri mumusika iwedzerwe yakatsviriridza muhurukuro dzakaitwa panguva yekunzwa pfungwa dzeveruzhinji maringe nebhajeti renyika ra2026 kumativi mana ose eZimbabwe.

Muhurukuro pamusangano we2026 Pre-Budget Seminar, uyo wakaitwa kuBulawayo svondo rapera, Prof Ncube vanoti chimwe chezvinhu zvikuru chakabuda pakuitwa kwehurukuro yebhajeti iri neveruzhinji kuti mari yeZiG iri mumusika iwedzerwe.

“Hurumende ine chirongwa, kuburikidza nebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ), chekuwedzera mari inowanikwa yeZiG, iri musvo kuitira kuti veruzhinji vakwanise kunzwa kuti iyi imari,” vanodaro Prof Ncube.

“Asi zvakare tichienda kumberi, tichaunza mari yakakura, izvo zvichaita kuti mamiriro ezvinhu aringane uye tichavandudzawo mhando yacho kuitira kuti igare kwenguva yakareba ichishandiswa, pakati pezvimwe.

“Saka tiri kuzvigadzirisa uye tichazviparura nekufamba kwenguva. Tichaona kuti veruzhinji vakwanisa kuwana mari yakawanda yeZWG mumusika uye iri musvo nekufamba kwenguva,” vanodaro Prof Ncube.

Vanoti Hurumende inoda kutora matanho aya nenzira ine huchenjeri kwete zvisina hanya, izvo zvinove chiratidzo kune veruzhinji chekuti yakarongeka.

Hurumende yange ichiita zvirongwa zvakasiyana-siyana zvekusimudzira kushandiswa kwemari yemuno zvakanyanya izvo zvinosanganisira kuona kuti ZiG yashandiswa pazvinhu zvese zvemuZimbabwe uye kuvepo kwemari yemusvo kuitira kuti veruzhinji vakwanise kutenga zvavanoda zuva nezuva.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *