Tatenda Shuro naAshley Muchamiri
RUZHINJI rwevanhu rwuri kufara zvikuru nekuda kwekuunzwa kwakaitwa mabhazi ekutakura vanhu munzvimbo dzakasiyana neHurumende izvo zvakonzera kuti kufamba kuve nyore.
Kwayedza nemusi weChitatu svondo rino yakaita hurukuro neveruzhinji avo vari kurumbidza danho rakatorwa neHurumende iri.
Blessing Chisoni (37) anobva kuDomboshava anoti danho iri rakavanunura zvikuru kubva mukubirwa mari dzavo uko vaiitwa nevemakombi.
“Ndiri kufara zvikuru nekuuya kwakaita mabhazi eZUPCO, dai vatowedzera mamwe uye pakutakura zvinhu zvakawanda zvave nyore kunesu tinorarama nekutengesa pamisika. Tinotakura zvinosanganisira mbatatisi nezvimwewo,” anodaro.
Anoenderera mberi achiti, “Mabhazi aya anofamba zvakanaka izvo zvinoita kuti asaite tsaona nguva zhinji kana tichienzanisa nemakombi ayo anomhanya zvine njodzi uye pakugara hatisimuke-simuke.”
VaAbedinigo Shara (56) vekuDomboshava zvakare vanoti Hurumende yakagona chaizvo nekuunza mabhazi aya.
“Vakatinunura chaizvo nekuti makombi haana kwawo, nhasi vakakwidza mutengo rimwe zuva voderedza vachitevedzera mamiriro anenge akaita nyika musi wacho uye mafambiro nemabatirwo atinoitwa mubhazi akatosiyana neemukombi. Dai zvikaramba zvakadaro vawedzerawo mabhazi opota achipesana,” vanodaro.
Esther Gore (29) anotiwo ari kufarira zvikuru mabhazi aya.
“Ndiri kufara chaizvo, ndakatorimirira bhazi sezvo riri zuva rangu rokutanga kuzorikwira,” anodaro apo aive pachiteshi chepanaFourth Street, muHarare.
Takudzwa Mupangula (23) anoti ari kufadzwa nechirongwa chemabhazi ichi.
“Ndinofara chaizvo nekuuya kwemabhazi nekuti dzimwe nguva vemakombi vaisatibata zvakanaka uye mubhazi tinogara zvakasununguka,” anodaro.
Anoenderera mberi achiti, “Tinokumbirawo asvikewo kumamisha kwedu nekuti patinoburukira ndipo patinozoshandisa mari yakawanda kupfuura yatinobhadhara kana tichibva mudhorobha.”
Hurumende yakaunza mabhazi aya kuti atakure veruzhinji mumadhorobha nemuguta zvichitevera kudhura kwakanyanya kwange kwoitwa nevekombi.




